
Abel Ndooka
CHICHANGE chakabvondoka kuQueens Sports Club, kuBulawayo kutanga musi weChina chino apo chikwata chenyika checricket chemaChevrons chichabandana necheIreland mumutambo weTest Match.
Mutambo uyu uchatambwa kwemazuva mashanu izvo zvichaona uchizopera musi weMuvhuro.
Pachapera mutambo weTest Match uyu, zvikwata zviviri izvi zvichaenda kuHarare uko zvichatamba mitambo mitanhatu inoti mitatu yeOne Day International neimwe mitatu zvekare yeTwenty20 International Series iyo yese ichatambirwa kuHarare Sports Club.
Mitambo yekutanga yeODI ichatambwa mazuva anoti 14, 16 na18 Kukadzi, kuchiti yeT20 ichazotambwa mazuva anoti 22, 23 na25 Kukadzi.
Mutambo wemaChevrons neIreland uyu unotevera wemaChevrons neAfghanistan wakatambwa nguva yadarika uyo wakaona zvikwata izvi zvichabandana mumitambo yeT20, ODI neTest Match zvekare iyo maChevrons akakundwa yese.
MaChevrons neIreland zvakapedzisira kusangana gore radarika apo zvikwata izvi zvakabandana mumutambo weTest Match series uyo wakatambirwa kunyika yeIreland.
Mutambo uyu wakazohwinwa neIreland iyo yakakunda maChevrons ne4 wickets.