
Abel Ndooka
CHIKWATA checricket chemaChevrons chakaenda kuBangladesh uko chichanotamba nemaTigers ekunyika iyi mumitambo mishanu yeTwenty20 International Series.
Mitambo yezvikwata zviviri izvi iyi iri kutanga musi weChishanu svondo rino izvo zvichaona maTigers nemaChevrons vachibandana mumitambo mitatu kuChattogram mumazuva anoti 3, 5 na7 Chivabvu.
Mimwe mitambo miviri yezvikwata zviviri izvi ichazotambirwa kuDhaka mazuva nemusi wa10 na12 Chivabvu.
Sezvo Zimbabwe Cricket isati yagadza murairidzi wechikwata ichi zvichitevera kusiya basa kwakaita naDave Houghton mwedzi yadarika, shasha yecricket – Stuart Matsikenyeri – ndiye akambofanogadzwa kuti arairidze maChevrons.
Chikwata chakatakurwa naMatsikenyeri kuenda kuBangladesh chine vatambi 15 vanosanganisira Sikandar Raza uyo anove kaputeni, Craig Ervine, Sean Williams, Richard Ngarava naBlessing Muzarabani.
Muchikwata ichi mune mutambi mumwechete, Jonathan Campbell, uyo akashevedzwa kekutanga kuzotambira maChevrons.
Mune zvekare vatambi vechidiki vanoti Clive Madande naBrian Bennett avo vaive muchikwata cheZimbabwe emerging side icho chakahwina menduru yegoridhe kumutambo we13th African Games nguva pfupi yadarika.
MaChevrons nemaTigers zvakapedzisira kusangana mugore ra2022 apo akakunda chikwata chekuBangladesh ichi 2-1 mumitambo yeTwenty20 International Series uye 3-1 muOne Day International Series iyo yakatambirwa muno.