Machipisa yapisa-pisa

23 Apr, 2015 - 14:04 0 Views
Machipisa yapisa-pisa

Kwayedza

Kurarama nehutachiona na Catherine Murombedzi
SANGANO reNational AIDS Council rakazivisa kuti kwaMachipisa kuHighfield muguta reHarare kwaita kamoto kamberevere ako kanoda kudzimurwa nekukasika nekuti kakasiyiwa kachipfumbuka kachapisa matanda makuru mberi.

National AIDS Council Harare Provincial Co-ordinator VaAdonija Muzondiwona vanoti  musha weHighfield ndiwo watora mukombe mupurovhinzi yeHarare pakutungidza gwenya rezvirwere zvepabonde chinove chinhu chisingakurudzirwe.

“Takaona mumusha weHighfield utachiona hutsva hwakati kwirei uye chikamu chikuru chevanhu vanosvika 1 400 kubva muvanhu 10 128 mudunhu reHarare vaive nezvirwere zvepabonde vachibva kwaMachipisa,” vakadaro VaMuzondiwona.

Zvakadaro, Machipisa ine nzvimbo dzemafaro dzakati wandei uye dzimwe dzacho dzine dzimba dzekurara.

“Machipisa inowanikwa mumusha weHighfield uko inonobatana neGlen Norah. Vanhu vanosika 1 400 vakarapwa zvirwere zvepabonde kwaMachipisa,” vakadaro VaMuzondiwona.

Vanoti muHighfield mune dzimba dzinoshandiswa kuita bonde idzo dzinonzi pachirungu ‘brothels’.

“KwaMachipisa kunoratidza kuti vanhu vari kuita bonde vasina dziviriro nekuti zvirwere zvepabonde zvakawanda kunzvimbo iyi. Kune dzimba dzinogara vanhu vakawandisa kudarika vanotarisirwa kugara pamba uye vamwe vakavaka dzimwe dzimba idzo vanoshandisa semipanda yekupa vanoda kuita bonde,” vakadaro.

Pavanhu 1 400 vakarapwa zvirwere zvepabonde kwaMachipisa, 182 vakawanikwa vaine utachiona hweHIV.

“Vanhu vakaramba vachiita zvirwere zvepabonde zvinoreva kuti vari kuzviisa panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV nekuti zvinofambirana,” vakadaro VaMuzondiwona.

Musha weMbare ndiwo waitevera pazvirwere zvepabonde mudunhu reHarare uine vanhu 1 205 vakarapwawo zvirwere zvehunzenza izvi. Panzvimbo yechitatu pane Harare Central Business District iyo inosanganisira kumaAvenues yakarapwa vanhu 1 203.

Tinoona Mbare neHarare CBD zvakasiyana nevanhu vaviri bedzi.

VaMuzondiwona vanoti zvinofadza kuti misha yeMabvuku, Epworth neRuwa yakava nekuderera kwevanhu vanorapwa zvirwere zvepabonde. Izvi zvinoreva kuzvibata kana kuti kushandisa makondomu sezvakatarwa.

“Kudzivirira kupararira kweutachiona hweHIv kunoramba riri donzvo redu naizvozvo tinopa kutenda kukuru kune vatinoshanda navo madzisahwira anobata ndima yekudzikisa kutapurirwa kweutachiona mumadzimai, muvana, muruzhinji rwose nevanoshambadza kuzvibata,” vakadaro VaMuzondiwona.

Vanoti rino vari kuenderera mberi nezvirongwa zvekudzivirira utachiona hutsva hweHIV kuti husapararire.

“Gore rino tinoti pamberi nekuti kusave nemunhu mumwe angabate utachiona hweHIV,” vakadaro.

VaMuzondiwona vanoti mamiriro ezvinhu pari zvino ari nani nekuti pachikamu chekutanga chegore rino vanhu varwara nezvirwere zvepabonde mudunhu reHarare vanosvika 10 400 kana zvichienzaniswa ne13 000 vegore rapera panguva imwe chete.

wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>