Uncategorized

Machiremba epachena

20 May, 2020 - 00:05 0 Views
Machiremba epachena

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MACHIREMBA gumi nevana (14) vemuZimbabwe vakazvipira kubatsira veruzhinji pachena panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nenhare panguva iyo vanhu vose vanenge vagere kudzimba.

Machiremba aya ari kusanganisira macardiologists, gynaecologists, paediatricians, oncologists, ophthalmologists nevemazino.

Dr Hassan Ashmawy, avo vanova mazvikokota paMpilo Hospital, kuBulawayo, vanoti machiremba vakaona kuti vazhinji vevanhu vemuZimbabwe vakaremerwa zvakanyanya zvichitevera kunyuka kweCovid-19.

“Machiremba vakazvifungira voga kuti vabatsire vanhu pachena vachishandisa nhare dzavo kune avo vanoda rubatsiro rwakanyanya maererano neutano hwavo. Munhu wose akasununguka kutibata panhare nyika yose, tine machiremba vakamirira kubatsira,” vanodaro Dr Ashmawy.

Vanoti danho iri rakatorwa paonekwa kuti nguva zhinji machiremba havagare mumahofisi avo. Murwere kana munhu anoda kubatsirwa anoridza nhare kuti vawirirane nguva dzekuzotaura panhare.

Dr Ashmawy vanoti izvi zvinobatsira zvakanyanya kuderedza kushanyira kumachiremba kwevanhu uye zvinoderedza kuparadzirwa kwechirwere cheCovid-19.

Vana chiremba ava vanosanganisira:

Dr Sameh physician/cardiologist (0712 204 124, 0735 102 363), Dr Saranna Ameer consultant physician (0772 325 651), Dr Maqbool Gaibe vemazino (0777 346 661), Dr Makore obstetrician/gynaecologist (0774 100 634), Dr Mervyn Gwen Venge, Dr Gwen Kandawasvika (0772 235 643), Dr Melinda Mushonga oncologist (0778 822 222), Dr T Mhute ophthalmologist (0773 370 161), Dr Colin Msasanure orthopaedic (0772 275 891), Dr Ismail Tickley paediatrician (0777 005 608), Dr Hassan Ashmawy specialist urologist (0712 400 922), Famlda Esat physiotherapist (0712 347 327), namukoti Yasmin Ahmed (0712 604 086).

Share This:

Sponsored Links