Madhishi munobhadhara, yave mvura mari hapana

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANHU vanobva kudunhu rekwaMutoko, kuMashonaland East, vane tsika inofanirwa kupembedzwa, kunyange zvazvo iri tsika isinganzwisiswi nevanhu vanobva kumatunhu akasiyana-siyana eZimbabwe.

Zvinonzi kana uri muenzi wasvika mumusha mavo, vanotanga kukupa mvura yekunwa musati makwazisana nokubvunzana upenyu kana kuti kwabviwa kuri sei.

Kunyange zvazvo Mukwende aine shungu yekuda kuziva zvakawanda patsika iyi, chaanokwanisa kutaura ndechokuti vanhu ava vanoziva kuti mvura upenyu. Nekudaro, kupa muenzi mvura yaasina kukumbira, kuti tinokugamuchirai mumusha medu, uyewo ivai neupenyu hwakazara.

Itsika yakanakawo nekuti vanhu vakawanda havana kujaira kunwa mvura nguva nenguva. Vamwe vanofunga kuti mvura inongonwiwa bedzi kana munhu ave nenyota. Ndokusaka vamwe vachizosangana nedambudziko rekushaya mvura mumuviri, inonzi “dehydration” pachiRungu. Vanotozozviziva vaudzwa nachiremba kuchipatara. Ndoda munguva yekupisa yotopinda iyi!

Mvura yakakoshera munhu wose. Mvura upenyu. Munhu wose pasi rose ane kodzero yekuwana mvura yokunwa, kubikisa, kugezesa, kushandisa mamwe mabasa pamusha kana mumabhizinesi.

Kodzero iyi yakadzikwawo nemasangano anoona nezvekodzero dzevanahu.

Kushaikwa kwemvura, kushaikwa kweupenyu. Uyewo kushaikwa kwemvura, kupa mukana wekuti zvirwere zvinosanganisra cholera zvibate kana kuuraya vanhu.

Haisi mvura nje-e yatiri kutaura, asi kuti munguva yatave kurarama, mvura inosungirwa kunge yakachena – mvura inobviswa tsvina nemishonga inodaidzira mari refu. Pari zvino mumadhorobha ndimo mune chirongwa chekuti mvura inochengetwa nemapazi emakanzuru anoona nezvemvura. Izvi zvinoda mari, mari inobhadharwa nevagari vemumaguta aya vanenge vakaita zvibvumirano nemakanzuru kuti kana vawana mvura, ivo vanozadzisawo sungano yacho nekubhadhara.

Asi, ngatiregei kukurumidza kupa makanzuru mhosva yekuputsa chirangano panyaya yemvura tichipopota kuti hatisi kuwana mvura, kana kuti vanotipa mvura ine tsvina. Yamuri kushandisa iyoyo ndiyo yavari kushandisawo. Saka vangagoita utsinye pamusana pei?

Ko isu tiri papi pachirangano chekubhadhara mvura? Makanzuru angatipe mvura yakachena sei kana tisingabhadhare mari dzemvura yacho? Mishonga yacho vanoitenga nei kana vanopihwa mvura vachida zvemahara?

Hanzi kanzuru dzave kutyora kudzero dzevanhu nekuvavharira mvura. Isu vacho tinoishandisa tisingabhadhare?

Mazuva ano kune chemahara here? Kana mushana unotoufambira wani!

Makanzuru emaguta ose ari kugunun’una kuti vanhu havasi kubhadhara mvura, uyewo havangarambi vachipomba mvura mudzimba nemumakambani mahara. Kune mamiriyoni nemamiriyoni emadhora ezvikwereti zvemvura.

Asi kana makanzuru ave kuti vave kuvhara mvura, vanhu vanotanga kuchema-chema kuti hakuna mabasa, zvinhu zvakaoma. Vanotangawo kutaura nyaya yekodzero dzekuti munhu wose ane kodzero yekuwana mvura. Vanotangawo zvakare kuchema-chema kuti makanzuru haazive here kuti kana vakavharira vanhu mvura, vanenge vavhura mukana wezvirwere. Mhere kumombe chaiyo!

Vamwe chete vari kuchema-chema nenyaya dzokuvharirwa mvura enda kudzimba dzavo unoona kuti havasi kutenga magetsi here.

Svika kudzimba dzavo unoona kuti havasi kubhadhara madhishi angoti ndandanda, madhishi ane DStv, vachida kuona zvirongwa zvakasiyana-siyana zvepasi rose. Vamwe vacho vanobhadhara chikamu chepamusoro-soro chekuma$81 nekuti havadi kushaya bhora kana mafirimu nenhau dzeCNN, BBC, Al Jazeera, RT, CCTVN, eNCA, nemamwe vachisiya ZTV.

Musiyano weDStv nemakanzuru ndewekuti DStv inoti kana usina kubhadhara unongoona vadzima. Zvimwe chete neZesa kune vane magetsi ekutenga, kana apera ndizvozvo – wotogara murima uchibika nehuni kana gasi. Hapana zvoksumana wombochema-chema. Zvekodzero hazvipo!

Magetsi, unongoona mumba mave rima, kana mari irimo muEcoCash kana Tele-Cash votobhadhara, magetsi odzoka vanhu vave kutoona terevhizheni inokurudzira zvinhu zvaeredza tsika nemagariro edu! Madhishi azere kwose kwose, ingodarika nekumafuratsi sekuMbare uone. Asina irombe! Pane dzimwe dzimba dzine maroja unogona kuona madhishi mashanu chaiwo. Ngatiti vanhu ivavo vanoendesa $81 mumwe nemumwe kuMultichoice varidzi veDStv. Zvoreva kuti pamwedzi madhishi mashanu anoburitsa $405.

Asi ukaenda pamba ipapo unowana paine chikwereti chemvura chine mumvuri. Kubva gore richitanga havasati vambobhadhara mvura. Apo inongobuda papombi, imwe ichingosiiwa ichirasika sezvinonzi inongobva yoga muna Zambezi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey