Madingindira ari mumutambo

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

MADINGINDIRA anobuda mumutambo uyu:

Hukama: Hukama hunoburitswa sechinhu chinosunganidza vanhu veropa rimwe chete.

Kudhonzerana kwese nematambudziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama.

Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna vaive amai vemurume wake achiti ngavadzokere kumusha nekuti vanoroya.

Cindy anovenga Maggie, mwanasikana waRuvengo waakanga aita nemudzimai wake akafa achiti aive asiri mwana wake.

Cindy anorwadziwa nekuchengeta hama dzemurume wake achiti aisadzishandira uye aive asina mari yekutambisa nekudzichengeta.

Laiza aive amai vaCindy anofurira mwana wake kuti arambe kuchengeta vamwene vake achiti ngavadzokere kumusha.

Laiza naCindy vanowirirana kuti vauraye VaHaruna ndokuvaisira muchetura wemakonzo mukeke.

Cindy anenge achifarira hama dzake, izvi tinozviona paanoenda kuchikoro kwemunin’ina wake, Kumbie kunomusiira mari yekuti abatsirikane.

Maggie, Ruvengo naVaHaruna vanenge vasina rusarura naKumbie kunyangwe zvazvo aive hama yekumukadzi waRuvengo.

Zvese izvi zvinoratidza kuti pakati pemukadzi nemurume vakaroorana panowanzoita makakatanwa pamabatirwo ehama.

Vamwene nemuroora: Cindy anenge ari muroora waVaHaruna asi anoratidza kuvenga vamwene vake zvikuru kuburikidza nekuvapomera huroyi pamwe chete nekuvadzinga mumasofa akanaka achiti vagare mumasofa matsaru.

VaHaruna vanoshungurudzika nekurambidzwa kuona chivhitivhiti chepamba apa chikuru vachinzi vaone chinoburitsa mifananidzo mitema nemichena.

Cindy anoudza murume wake, Ruvengo kuti ainge asina kugomerwa navamwene vake, VaHaruna ndokusaka ainge asina hanya nekuvachengeta.

Cindy anoronga zano naLaiza rekuti ape vamwene vake keke rakanga rakarungwa nemuchetura wekuuraya makonzo.

VaHaruna vanoshungurudzika zvikuru pavanonzwa kuti vakanga vaisirwa muchetura mukeke vachida kuuraiwa.

Izvi zvinoita kuti vazofunga zvekutakura twunhu twavo vachiti vave kuenda kunogara kumusha nekuti muroora wavo haaida kuvaona vari vapenyu.

Cindy anenge achinetsana naRuvengo waaimanikidza kuti adzinge vamwene vake kuti vaende kumusha kuDharuweni.

Hurovha: Ruvengo anenge apererwa nebasa rake rehuMP zvinove zvinoita kuti azotanga kuriritirwa nemukadzi wake, Cindy uyo anenge ave kumukonorera mari yaaishanda.

Cindy anenge ava kuramba kuchengeta hama dzemurume nemari yaaishanda achiti haadi kuchengeta vanhu vanongoswera vakagara vachingomirira kudya. Kusashanda kunoitwa naRuvengo kunoita kuti ashaye simba rekuchengetedza musha wake sezvo mukadzi anenge ava kuramba kuudzirwa zvekuita pamapfekero nemafambiro ake ese achiti ndini ndinokuchengeta.

Cindy paanotanga kuchengeta mhuri apo Ruvengo anenge asisashande anobva atanga kukarira murume nguva zhinji achiti akanga ave pamusoro pake sezvo nguva yake yainge yasvikawo yekumbotonga nekuita zvaanoda. Ruvengo paanodzoserwa basa rake remuhurumende tinoona kuti Cindy akanga ave kumupa rudo rwakapetwa nekuti hurovha hwake hwakanga hwapera.

Vanhukadzi: Munyori wemutambo uyu ari kuburitsa vanhukadzi nenzira dzakasiyana-siyana. Anoburitsa vanhukadzi vari vanhu vasingawirirane pachavo.

Tinoona Cindy achivenga vamwene vake, VaHaruna, Maggie pamwe chete nekupopotera musikana webasa, Tsitsi. Cindy anovenga vamwene vake achiti vanoroya.

Vanhukadzi vanoburitswa vachishandisa kodzero dzavo zvakaipa sezvinoitwa naCindy anenge ave kuzvitutumadza kuti ndiye anochengeta murume saka haachafanire kubvunzwa zvaanopfeka, vanhu vaanotaura navo, nguva dzaanopinda mumba nezvaanoita.

Vanhukadzi vanobuda vachiita mapoka mapoka anochengetedza kodzero dzavo kubva kuhudzvanyiriri pamwe chete nekudzidzisana zvakatsaukana sezvaiitwa naRegina aitungamira chikwata cheWomen Affairs.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiita mabasa epamusoro sezvatinoona zvichiitwa naCindy uyo aishanda segweta ari magisitiriti kumatare edzimhosva. Vanhukadzi vanoburitswa vachipanana dzidziso yekuti vagare zvakanaka tinonzwa Regina achirayira Cindy kuti agarisane navamwene vake nekuchengetedza imba yake zvakanaka.

Tinopedzisa madingindira svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>