Madondo onorwa kuRussia

08 Jul, 2024 - 12:07 0 Views
Madondo onorwa kuRussia Revai Madondo

Abel Ndooka

MUTAMBI wetsiva wechidzimai, Revai Madondo – uyo anorwa muboka reSuper Flyweight  – ari kunanga kuRussia svondo rino uko achanorwa nemutambi weko anonzi Karina Tazabekova mumutambo usiri webhande.

Mutambo waMadondo naTazabekova uchatambwa nemusi wa11 Chikunguru uye uchaona vaviri ava vachirwa mumaround matanhatu kuSaint-Petersburg.

Maneja waMadondo arizve murairidzi wake – Clyde Musonda weDeltaforce Boxing Academy – anoti vari kusimuka svondo rino naMadondo vakananga kuSaint-Petersburg vombopedza mazuva vachiita gadziriro dzavo vari kunyika iyi nechinangwa chekuti ajairirane nemamiriro ekunze eko.

Anoti mutambo uyu uchabatsira zvekare Madondo kana akahwina kuti awane mikana yekurwira mabhande makuru.

“Tiri kuenda naMadondo svondo rino kuRussia uko achanorwa naKarina Tazabekova chizvarwa chekunyika iyi. Vaviri ava vachabandana mumutambo wemaround matanhatu uye tine chivimbo chikuru chekuti mutambo uyu uchabatsira Madondo kuti agosimukira mutsiva.

“Chinangwa chedu mune remangwana kuti Madondo agorwira mabhande akasiyana saka mitambo yakaita seiyi inobatsira zvikuru kana akaihwina,” anodaro Musonda.

Tazabekova, uyo ane makore 34 ekuberekwa, akwanisa kutamba mitambo 25 ndokuhwina 14 achikundwa 11.

Share This:

Sponsored Links