Madora kudya kune utano

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Madora kudya kune utano

Kwayedza

MADORA kudya kune utano sezvo kuine mapuroteni akawanda uye kunotora nguva refu kusati kwaipa.
Svondo rino Tafadzwa Kufa wekuZaka, mudunhu reMasvingo, anotsanangudza mamwe mabikirwo emadora zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:
Madora, munyu, mafuta, hanyanisi nematomatisi.

Mabikiro:
Fashaidza mvura yakati wandei wonyika madora imomo.
Izvi zvinoitirwa kuti apfave uye kuti abve tsvina.
Mushure memaminitsi gumi, chinyurura madora woageza kusvika achena.
Isa mafuta mupani wokanda madora imomo uchiakanga.
Kanda munyu wakaringana, kana atsvukira wochekerera hanyanisi.
Chekerera matomatisi wokanga pamwe chete.

Wozodii?
Kana zvaibva, chibura mudye nemhuri.
Madora anodyiwa nesadza, mupunga, makaroni kana kuadya akadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links