Madzibaba abhinya achityisidzira nerufu

13 Mar, 2023 - 15:03 0 Views
Madzibaba abhinya achityisidzira nerufu Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUPOROFITA wemanyepo amiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts achitarisana nemhosva yekubata chibharo mukadzi ane makore 18 okuberekwa wekuNyanga mushure mekunge aenda pamusha pasekuru vemumhan’ari apo akange ashevedzwa kuti anochenura.

Talent Samanyanga (21) wepanhamba 21 Mangwende Drive kuUnit G, kuChitungwiza, amiswa pamberi pemutongi Gloria Takundwa avo vati musungwa uyu adzoke kudare nemusi wa20 mwedzi uno uye ari kutongwa achibva mutirongo.

Samanyanga ari kuramba mhosva iyi.

Muchuchisi Pamela Dzinduwa vaudza dare kuti pazuva risisazivikanwe asi muri mumwedzi waKukadzi gore rino, Samanyanga akadeedzwa kumusha kwemumhan’ari kuNyanga uko asekuru vemumhan’ari uyu vane makore 68 ekuzvarwa vaida kuti anochenura musha wavo.

Samanyanya anonzi “akachenura” musha uyu achibva apihwa mombe mbiri semuripo.

Mushure meizvi, anonzi akatengesa mombe dziya achibva ataurira sekuru vemumhan’ari kuti aitofanira kuenda nemuzukuru wavo nekuti kana akasara pamusha apa, dzinza rose raizopera kufa.

Nekutya rufu, sekuru ava vanonzi vakabvuma kuti muzukuru wavo aende nemuporofita wemanyepo uyu.

Nemusi wa13 Kukadzi, Samanyanga anonzi akaenda nemumhan’ari kuCherutombo, kuMarondera, kunova kumba kwaambuya vake vanonzi Jesca Chirinda achibva anovazivisa kuti mumhan’ari ndiye ava mudzimai wake.

Vaviri ava vakaita husiku hwose vari vose pamusha uyu.

Muzuva rakatevera, Samanyanga anonzi akazoenda kuUnit G, kuChitungwiza.

“Tasvika pamba apa, akanditaurira kuti ari kumboenda kunotsvaga chikafu asi akazodzoka hwave husiku akadhakwa. Ave mangwana acho, ndakamuudza kuti andidzorere kumusha kwaakanditora asi akaramba,” anodaro mumhan’ari achiudza dare.

Anoti panguva yavainge vari kumusha, Samanyanga akamuudza kuti kana akaramba kuenda naye anosara achifa iye nemwana wake ane mwedzi misere yekuberekwa.

Nemusi wa17 Kukadzi, vaviri ava vanonzi vakanetsana uye Samanganga akatanga kudzinga mumhan’ari pamba achibva aenda kunomhan’ara kumapurisa.

Samanyanga anonzi akamutevera kukamba yemapurisa achida kumunyengerera, ndipo paakabva aonekwa nemapurisa vachibva vamusunga.

Mumhan’ari ari kutarisirwa kuti azonovhenekwa nemachiremba sezvo musi waanonzi akaendeswa kuchipatara akawana pakavharwa uye pari zvino ari kuNyanga.

Share This:

Sponsored Links