Uncategorized

Madzibaba anonwa weti ‘. . . ndiyo yava kundirwarisa’

08 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Madzibaba anonwa weti   ‘. . . ndiyo yava kundirwarisa’ Madzibaba Tanya

Kwayedza

Latwell Nyangu naBruce Chikuni

MUMWE muporofita wemuHarare ari kudya marasha zvichitevera kumanikidzwa kwaanoti akaitwa kunwa weti yemunhu waairapa apo aive akabatwa “nemweya”.

Madzibaba Tanya vari kupomera Madzibaba Steven Machanyu kuti vakamushandisa uye ndokuzoita chitsotsi pakumubhadhara US$5 000 yavakanga vawirirana semubhadharo wekubatsira mumwe munhu aiva abva kunze kwenyika.
Zvinonzi Madzibaba Steven vakatora Madzibaba Tanya kuti vavabatsire kurapa munhu anofungidzirwa kuti akanga abva kuZambia achitsvaga rubatsiro.

Aida kubatsirwa uyu anonzi airota hope dzerufu rwake uye Madzibaba Tanya vakadaidzwa kuti vabatsire sezvo Madzibaba Steven vakanga vasingakwanise kupedza dambudziko iri.

Nyaya yakazokora muto apo Madzibaba Steven vanonzi vakaramba kupa Madzibaba Tanya mari yavo US$5 000 sezvavakanga vawirirana kubva paUS$15 000 yavaida kune munhu akabatsirwa uyu.

Madzibaba Tanya vanoti vari kurwadziwa zvakanyanya uye vakashandiswa nekunwiswa weti iyo iri kukanganisa utano hwavo.
“Madzibaba Steven vairatidza kupererwa pavakauya kwandiri vachida rubatsiro. Vaiti vane munhu aibva kuZambia kana Botswana, handichanyatsoziva, wavaiti ane dambudziko rehana yairova zvakanyanya kana achityaira motokari. Munhu uyu anonzi aiti airota hope dzerufu rwake nguva nenguva zvaizoita kuti amuke achirwara kazhinji.

“Saka vakandikumbira kuti ndivabatsire kurapa munhu uyu ndikabvuma, tikabva tawirirana kuti ini ndaizowana US$5 000 kubva paUS$15 000 yaida kubhadharwa nemunhu wataida kubatsira uyu,” vanodaro Madzibaba Tanya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kwapera mazuva mashanu, vakandiudza kuti munhu wacho akanga asvika asi ndakaramba kumubatsira pachechi pavo sezvo ndivo vaizoita mbiri. Takawirirana kuti ndomurapira munhu wake sezvo akanga asingagoni uye ndaida kuti iye aitewo mbiri.

“Ndakabva ndasvikirwa nemweya wandaisanzwisisa panguva yandaibatsira munhu uyu. Ndakazoudzwa kuti mweya uyu waida kuti ndinwe weti yemunhu wataibatsira uye ndiwo mweya waida kumuuraya. Saka ndakanwa weti iya zvakazoita kuti munhu uyu apone, hana yake yakabva yangoti zii kurova zvakanyanya kwayaiita uye akatsinhira kuti akapona, akatenda zvakanyanya. Akavimbisa kubhadhara US$15 000 iya.”

Madzibaba Tanya vanoti vakazoshamisika vave kupihwa US$100 pachinzvimbo cheUS$5 000.
“Ndakaenda kwaanorapira kuBudiriro ndichitarisira mari yatakanga tawirirana asi ndakashamisika ndave kupihwa US$100. Ndakamuitira basa rakanaka uye aitozviziva kuti ndaikwanisa kubatsira munhu uyu. Ndakanwa weti yemunhu iyeye kuti apore kubva kudambudziko rake.
“Ndakatobatwa nemweya zvekutosvika pakunwa weti yemunhu. Pari zvino ndiri kungorwara vhiki rega-rega. Handichanyatsorangarira kuti yanga iri weti chaiyo here nekuti handichazivi zvandakanwiswa pandakanga ndakabudirwa nemweya wacho.

“Musi iwoyo pakaitika zvakawanda. Ndakabva panzvimbo iyoyo ndichirwara uye ndinoda US$5 000 yekuti ndozvirapisawo. Ndoda kuziva kuti mweya uyu wakauya sei pandiri uye kuti sei ndakanwa weti nekuti sei iri kundirwarisa kudai,” vanodaro Madzibaba Tanya.

Vanoti ivo muporofita asi havakwanisi kuzvirapa, naizvozvo kumakereke kwavari kuenda kunobatsirwa vari kunzi pari kuonekwa rufu paupenyu hwavo nekuda kwemweya wakaenda pavari uyu.

“Ndiri kuudzwa kuti mweya uyu ndewemunhu wekune imwe nyika uye ndaifanira kubhadharwa pandakamubatsira,” vanodaro.

Madzibaba Steven

Zvisinei, Madzibaba Steven vanopikisana nemashoko aMadzibaba Tanya.
“Ndine nyaya nemurume uyu. Taimboshanda tese tikazosiyana nenyaya yake yekudhakwa kana tiri pabasa rekuponesa vanhu. Airara nevakadzi vevanhu mumasango apa ava kuda kuedza kusvibisa zita rangu kuti chechi yangu iparare. Ari kunyepa,” vanodaro Madzibaba Steven.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kana muchitora mitoriro yenyu chiregai kundinyangadza. Ndichauya kumahofisi enyu, itai zvamunoda.
“Ndinoda kuverenga zvamuchanyora ndozoona zvekuita kubva ipapo. Ndichauya musi weChishanu pandinenge ndakasununguka. Handidi zvekujairirwa naye, handitambe naye, handina kupusa. Mumuudze kuti kana achida kufamba panze ngaadzikame.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey