Madzibaba: Pafambwa ndipo parefu . . .  aimbova muvezi, akatyaira magonyeti asi haana kusiya magitare

22 Mar, 2023 - 23:03 0 Views
Madzibaba: Pafambwa ndipo parefu  . . .  aimbova muvezi, akatyaira magonyeti asi haana kusiya magitare Nicholas Zakaria

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura ane mukurumbira – Nicholas ‘Madzibaba’ Zakaria – anoti anonzwa kudada achiona kubudirira kuri kuita vamwe vaimbi vakapfuura nemumaoko ake.

Panotaurwa nezvemhanzi kana vaimbi vane mukurumbira vemuZimbabwe, zita raMadzibaba kana kuti Senior Lecturer rinokwanapo.

Shasha iyi yakadzidzisa vaimbi vane mukurumbira vakaita saAlick Macheso, System Tazvida, Amon Mvula, Cephas Karushinga, Arron Chinamira naSimon Mutambi, pakati pevamwe vakawanda.

Madzibaba anoti zvinomufadza zvikuru achiona kubudirira kwakaita vaimbi vazhinji avo akadzidzisa.

“Ini mukufamba kwandaiita, ndaisangana nevaimbi vasati vave kuzivikanwa vaida kushanda neni, ndaivabvunza kuti unogonei iye otaura. Saka ndaivapa mukana ndichivaongorora uye kana pane pavanenge vachikanganisa ndochipindira ipapo ndozozadzikisa kuti zvinyatsobuda sezvandaida.

“Dzimwe nguva ndaiona kuti zvaati anoda kuita handizvo zvake, ndobva ndamushandura ndomuudza kuti ita izvi ndotoona kuti zvave kutobuda zvakanaka. Hazvirevi kuti ndinogonesesa, asi kuti ndinenge ndichionesana navo tichibatsirana kuti tose tikure.

“Saka pavaimbi vandakashanda navo, wekutanga wandakarumura ndiAmon Mvula uyo akazenge ave kuimba ari kuSouth Africa, Cephas Karushinga uyo akanyora kambo Mabhawuwa ako kakaimbwa naSystem Tazvida wandakarumura zvekare. Ndakazoruma Alick Macheso, Arron Chinamira uye ndikapedzisira naSimon Mutambi.

“Ndichiona vaimbi vose vakapfuura nemumaoko angu, ndinonzwa kuvhaira, ndinonzwa nerimwe divi kuti ndakavaka nyika yeZimbabwe nekuti kana pachitaurwa vaimbi vemunyika yedu vanosanganisira vandakafundisa. Saka izvozvo zvinondipa manyemwe ekuti tiri kuvaka Zimbabwe yedu,” anodaro.

Madzibaba akatanga zvemhanzi mugore ra1975 apo aigara kuMazowe uko akazvarirwa.

Anoti chakamutuma kupinda mune zvemhanzi, aitevera mumatsimba ababa vake avo vaive muimbi.

Madzibaba anoti akatanga kudzidzira kuridza gitare akazobatana nevamwe vaimbi vaisanganisira Robson Kaitano, Wallace Masheka naSmart Chiko vakaumba chikwata chainzi Green Mangoes apo vaifamba vachiridza kumapurazi.

Nicholas Zakaria

“Baba vangu vaiita zvemhanzi saka ini zvakandipawo shungu dzekuti zviri kuitwa nababa ini ndinofanira kuzviitawo ndokubva ndatanga kudzidzira kuridza gitare. Ndava kugona kuriridza, ndakabva ndaunganidza vakomana vanosanganisira Robson Kaitano, Wallace Masheka naSmart Chiko tiine chikwata chedu Green Mangoes.

“Takatodhonza tiri kumapurazi tichiridza asi hakuna zvaibuda nekuti tanga tisati tatsikisa nziyo dzeduwo.

“Izvi zvakatuma kuti vamwe vakomama vabude ndokuenda kuGweru vakanovamba chimwe chikwata ini ndikasara ndega ndikambodhonza ndakadaro.

“Ndakazouya kuDzivarasekwa ndikabatana nanaShepherd Chinyani kuchikwata chainge chakaumbwa naFuture Mukundwa tikambofamba navo ikoko asi ndikazobva,” anodaro Madzibaba.

Abva kuchikwata chaMukundwa, Madzibaba akazoenda akanovamba chikwata chainzi Vhuka Boys asi akazobva mugore ra1984 ndokunovamba Khiama Boys.

“KuVhuka Boys, mashandiro ataiita ndaisawirirana nawo saka ndakazobva ndikaenda kwaBora ndikanokumbira mumwe muzvinabhizimisi magitare akandipa ndikabva ndavamba Khiama Boys mugore ra1984 iyo yandafamba nayo kusvika nhasi.”

Nicholas Zakaria neKhiama Boys

Kubva apinda mune zvemhanzi, Madzibaba akwanisa kubura madambarefu 29 uye anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Tsamba, Ida Anokuda, Mabvi Nemagokora naChikumbiro.

Madzibaba akambosiya zvemagitare ndokunotyaira magonyeti kwemakore matanhatu zvakamuona achipihwa zita remadunhurirwa rekuti Mudhara Wegonyeti.

Anoti akazozviona kuti zvekutyaira zvange zvisiri zvake izvo zvakazomutuma kudzoka kuzotsikisa mhanzi.

“Ndakambosiya magitare ndikanotyaira magonyeti kwemakore matanhatu asi ndakazozvisiya nekuti ndakazviona kuti zvakange zvisiri zvangu. Ini mwoyo wangu waive kumhanzi, ndokudzoka kumagitare,” anodaro.

Madzibaba akakomborerwa nevana vatatu asi mumwe wacho anove dangwe akashaika.

Pavana vake vaviri vasara, Mathew naLazarus Zakaria, vose vari kutevera mumatsimba ake mune zvemhanzi.

Anoti zita rekuti Madzibaba rakabva pachitendero chaaipinda chechipositori panguva iyo aimboenda kuchechi yeJohane Masowe.

Anoti iye munhu anonamata uye pazvinhu zvake zvose anotungamidza Mwari kumberi.

“Pandaimbonamata kuchechi yeJohane Masowe, tiri kuchechi taishevedzana kuti Madzibaba kana kuti Madzimai, kupa rukudzo kune mumwe munhu saka kumagitare vanhu vakazotanga kungondishevedza kuti Madzibaba nekuda kwechechi yandaipinda,” anodaro.

Mukushanda kwese kwaaita, Madzibaba akakwanisa kuvaka dzimba dzake nhatu uye pari zvino ari kugara kuimba yake yekutanga kuChitungwiza.

Anoti aida kubva muChitungwiza asi akazomiswa nekanzuru yakamuti inoda kumupa nyembe dzehuCultural Ambassador wedhorobha iri.

“Ndakakwanisa kuvaka dzimba dzangu nhatu uye ndakange ndakuda kubuda muno ndikanzi nekanzuru inoda kundiita Cultural Ambassador wemuno. Saka ndizvo zvakabva zvashandura pfungwa dzangu uye ndave wemuno kusvika narinhi,” anodaro.

Chimwe chinhu vanhu chavasingazive panaMadzibaba ndechekuti paakatanga mhanzi aimboita zvekuveza (carpenter) izvo zvairaramisa mhuri yake panguva iyo magitare akange asinganyatsobhadhare.

“Ini ndaida chaizvo zvekuveza uye ndaitove carpenter izvo zvaindiraramisa kana magitare asina kubuda zvakanaka.

“Asi ndakazozvisiya ndave kuita zvemagitare chete, magitare akasafamba zvakanaka ini nemhuri yangu tinopinda munzara, asi zvikafambawo zvakanaka tinenge tiine maguta,” anodaro.

Anokurudzira vamwe vaimbi kuti vazvibate muupenyu hwavo uye vashandise mari yavanowana kuburikidza nemhanzi nemazvo.

“Zvinodhaka zvakuvadza vakawanda, mhanzi haidi zvezvinodhaka nekuti zvinokuvadza. Ndinokurudzira vaimbi vose kuti ngavasiyane nezvinodhaka uye ngavazvibate.

“Zvekupinda-pinda zvakashata zvinourayisa, takarasikirwa nevaimbi vakawanda nekuda kwekupinda-pinda. Mumimhanzi miyedzo irimo yakawanda asi zvinoda kuzvibata,” anodaro Madzibaba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey