Madzibaba vogara musango vadzingwa nemudzimai

17 Jan, 2025 - 00:01 0 Views
Madzibaba vogara musango vadzingwa nemudzimai Dare

Muchaneta Chimuka

MURUME wekwaSeke, uyo anove madzibaba, anoti ave nemazuva anodarika 50 achigara musango mushure mekudzingwa nemudzimai wake uyo anogara achimurwisa zvichitevera kumubatira kwaakaita mameseji aibva kuzvikomba zvake munharembozha yake.

Izvi zvakabuda mudare reChitungwiza Civil Court apo Norest Sirewu (38) wemubhuku rekwaMhonda kuMayamba, kwaSeke akamhan’arira murume wake, Clememce Mabeta, achida gwaro redziviriro.

“Murume uyu anondishungurudza, anondirova achindityisidzira pamwe nekupwanya midziyo yemumba kusanganisira nharembozha yangu. Kutaura kuno akauya achibva kwaave kugara mushure mekutiza pamba kwemazuva 50 achibva abvarura magwaro emba uye ane chinangwa chekuda kutengesa imba. Hunhu hwake hauna kunaka zvikuru pamberi pevana,” anodaro Sirewu.

Achipawo divi rake, Mabeta anoti zvese zvaitaurwa nemudzimai wake aive manyepo sezvo achimudzinga pamba mushure mekumubatira mameseji ezvikomba.

“Kutaura kuno ndiri kugara kumasowe pamwe nekumba kwehanzvadzi yangu, ava mazuva 50 ndichigara musango mushure mekudzingwa nemudzimai uyu pamusha pangu. Ini handina kumbomurova kana kumutuka asi kuti ndiye akatondirwisa. Akanditema mumusoro nesimbi ndikanosonwa masitichi manomwe. Ndava munhu anotogara achirwara nekuda kwekukuvadzwa kwandakaitwa nemudzimai uyu,” anodaro.

Mabeta anoenderera mberi achiti: “Ari kuda kuhwanda nedare rino panyaya yake yandakamubatira mameseji ezvikomba munharembozha yake. Ini ndiri munhu anonamata, ndiri madzibaba. Ndine sowe randinoshandira vanhu kusango uye pamba ipapo pabasa pangu nekuti ndinopanamatira zvekare vamwe vanhu vanenge vauya vachida rubatsiro rwangu asi hazvichagoneka nekuda kwemukadzi wandakagara naye kwemakore anodarika 23 ava kundipandukira.”

Magwaro ekwachiremba nemifananidzo yemurume uyu zvakabuditswa mudare seumbowo zvakataridza musoro wake wakazvimba uye wakasonwa.

Mutongi, VaDennis Mangosi, vakabvunza Sirewu kuti chikonzero nei zvinotaridza sekuti iye ndiye ari pamberi mukushungurudza murume, ndokupindira achiti: “Murume uyu ndakatomudzorerawo mushure mekunge iye atanga kundirova, ndakanga ndazwa nekurohwa zvekuti ndakatozoona kuti munhu uyu anoda kudzorerwa. Kumasowe kwaari kutaura ari kutoshinha nevanasikana vemuchechi achinyepera kuti ari kuvabatsira, hapana zvaanonamata munhu uyu. Kupotera kudare rino kuti tiyananiswe.”

Mutongi vakabvunza zvekare murume uyu kuti kana ari muporofita ane mbiri anodiiwo kunamatira mudzimai wake kuti asiyane nemweya wekumurova kana chipfambi chaari kumupomera.

Mabeta akapindura achiti: “Kunamatira mudzimai wangu ndakamboedza asi muporofita haazvirapi, zvimwe ndinokundikana kana zviri zvinhu zvakarema zviri paari. Ndakambopotera kunyangwe kuvabereki vake kuti vamufambire asi hapana shanduko. Munhu ari panguva yakaoma ndini mumhan’arirwi nekuti handichina pekugara uye ndini ndiri kurwiswa.”

Vaviri ava vakaramba vachinakurirana nyoka mhenyu kusvika panguva yekuti mutongi akapedzisira ava kushaya kuti otererera upi uye kuti azive kuti chokwadi ndechipi.

“Gakava renyu rakakura uye mese muri kunakurirana nyaya saka handichaziva kuti munhu chaiye anotaura chokwadi pakati penyu ndiyani. Munotoda rubatsiro rwakasimba kuti imba yenyu imire,” vanodaro mutongi.

Zvisinei, mutongi vakapa vaviri ava gwaro redziviriro pamumwe nemumwe wavo ndokuvakurudzira kuti vanotsvaka vayananisi vewanano kuti vakwanise kugarisana murunyararo.

 

Share This:

Sponsored Links