Uncategorized

Madzimai 66000 akabvisa mimba

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Madzimai 66000 akabvisa mimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MIMBA dzinodarika 66 000 dzinonzi dzakabviswa zvisiri pamutemo nemadzimai nevasikana munyika yose mugore ra2016.

Chikamu che80 percent chevanhukadzi vari kubvisa mimba ndeavo vari muwanano.

Zvimwe zvezvikonzero zvekubvisa nhumbu idzi zvinosanganisira kushaikwa kwemishonga yekurera mhuri, uye madzimai akaroorwa ndivo vari pamberi pakubvisa mimba.

Izvi zvakabuda pagungano rekuparurwa kweongororo iri pamusoro pekubviswa kwemimba zvisiri pamutemo iyo yakaitwa nesangano reWomen’s Action Group (WAG).

Ongororo iyi yakaitwa mukati memakore matatu uye WAG yaishanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nesangano reGuttmacher Institute.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, Professor Tsungai Chipato – avo vanova murairidzi kuDepartment of Obstetrics and Gynaecology kuUniversity of Zimbabwe and College of Health Science – vanoti Zimbabwe iri pamberi pasi rose munyaya dzekurasikirwa neupenyu hwemadzimai panguva yekubara apo ndufu 651 dzinoitika panguva inozvarwa vana 100 000.

“Hazvisi nyore kuti munhu apihwe mvumo yekubvisa pamuviri zviri pamutemo. Ichi ndicho chikonzero chekuwanda kwenyaya dzekubviswa kwemimba nerweseri.

Mai Edinah Masiyiwa

“Mugore ra2016, nhumbu 66 800 dzakabviswa muZimbabwe (induced abortions) kureva kuti mimba 18 dzaibviswa pakati pemadzimai 1 000 vane makore anobvira pa15 kusvika 49 okuberekwa,” vanodaro.

Vanoti kubviswa kwepamuviri kwakanyanya mumatunhu eMashonaland neHarare uko nhumbu 21 pamadzimai 1 000 ane makore 15-49 okuberekwa dzakabviswa apowo dunhu reManicaland neMasvingo rine nyaya dzerudzi urwu dzakaderera uko mimba 12 pakati pemadzimai 1 000 dzakabviswa.

Prof Chipato vanoti vanhu vari munharaunda kusanganisira madzishe, nhengo dzeParamende, machiremba uye vabati vemitemo vanofanira kuwaniswa dzidziso izere maringe nenyaya dzekubviswa kwepamuviri kuitira kuti paumbwe mitemo inogadzirisa dambudziko iri.

“Kunyika idzo dzinobvumira kubviswa kwepamuviri seSouth Africa neKenya pakati pedzimwe, huwandu hwendufu dzevanhukadzi hwaderera nekuti zvinenge zvichiitirwa muzvipatara nemachiremba. Chikamu che40 percent chenhumbu dziri kuitika muZimbabwe dzinenge dzisina kutarisirwa zvichikonzerwa nekushaikwa kwezvekushandisa zvakakwana semishonga yekurera mhuri, hurombo, kugara kure nezvipatara, kudhura kwemishonga yekurera mhuri uye kushaya ruzivo kwevechidiki panyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.

Mai Edinah Masiyiwa, vanova executive director weWAG, vanoti mutemo unoona nezvekubviswa kwepamuviri uriko asi hausi kushandiswa nemazvo nepamusaka pekushaya ruzivo kune veruzhinji.

“Hongu, tine mutemo unoona nezvekubviswa kwepamuviri weTermination of Pregnancy Act uyo unoti pamuviri panokwanisa bedzi kubviswa kana pachinge pauya nenzira yechibharo, makunakuna kana kuti pachiisa upenyu hwaamai vane mimba panyatwa.

“Dambudziko riripo nderekunonoka kufambiswa kwenyaya dzine chekuita nekubviswa kwepamuviri maringe nemutemo. Tinoda kukwidza nyaya idzi kuParamende nekuvabati vemutemo kuti dziitwe nekukasika nekuti vazhinji vanozokundikana zvichikonzerwa nekunonoka kufambiswa kwenyaya kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Vanoti madzimai nevanasikana vanenge vaine kodzero yekubvisa pamuviri zviri pamutemo vanotosvika pakusunguka nekuda kwekunonoka kumhan’ara nyaya dzavo kana kuti kunonoka kufambiswa kwenyaya dzerudzi urwu kumatare edzimhosva.

“Paongororo yatakaita maererano nekubviswa kwemapuviri muZimbabwe kubva muna2016, takaona kuti madzimai ari muwanano ane chikamu che80 percent chekubvisa pamuviri uye izvi zvichinyanya kuitwa nerweseri zvinova zviri kukonzera huwandu hwendufu dzemadzimai nevana munyika. Vazhinji vavo vanozoguma vave muzvipatara zvinopa mutoro mukuru kuHurumende.

“Asi kana kubviswa kwepamuviri uku kuchinge kuchiitwa muzvipatara nenyanzvi, hationi matambudziko aya achiwanda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Muongororo iyi, takaona kuti vamwe vari kubvisa pamuviri panenge pasiri pechibharo kana makunakuna asi kuti vanenge vakundikana kuwana mishonga yekurera mhuri inoenderana navo vogumisira vabata pamuviri.

Vanoti mutemo haurambidze munhukadzi kunorapwa mushure mekubvisa pamuviri uye machiremba haafanire kufumura nyaya idzi kumapurisa senzira yekuti madzimai nevasikana vabatsirikane muutano hwesikarudzi.

Dr Bernard Madzima – avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana – vanoti madzimai ekumaruwa mazhinji anokundikana kuwana rubatsiro rwekurapwa mushure mekubvisa pamuviri zvichikonzerwa nekushomeka kana kuva kure kwezvipatara.

Dr Madzima

“Zvipatara zvizhinji kumaruwa zviri kure nevanhu saka kushaikwa kwemari dzekufambisa kunoita kuti madzimai nevanasikana vakundikane kurapwa nenguva mushure mekubvisa pamuviri. Mamwe machiremba achiri kuda dzidziso maringe nenzira dzakasiyana dzinoshandiswa mukubvisa pamuviri kuti vanhu vabatsirikane. Kushomeka kwemishonga yekubvisa pamuviri semisoprostol kunogona kuita kuti vanhu vanenge vachifanira kubviswa mimba zviri pamutemo vanonoke kubatsirwa,” vanodaro.

Pasi rose, nhumbu 25 miriyoni dzinonzi dziri kubviswa zvisiri pamutemo gore negore uye madzimai mana pakati pegumi vanobvisa pamuviri vanosangana nematambudziko anoda kurapwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey