Fungai Lupande
MADZIMAI echidiki mana, ayo ainetseka zvikuru kuti vapedze zvidzidzo zvavo nekuda kwekuchengeta vana, vakawaniswa hunyanzvi hwekuita mabhindauko emaoko paPonesai Vanhu Technical College, kuShamva.
Koreji iyi yakavambwa nesangano reDevelopment Aid People to People (DAPP) uye nerubatsiro rweFor Women Foundation, madzimai mana aya akapihwa mari yekuti vakwanise kuriritira vana vavo.
Vamwe vevadzidzi 100 vakapedza zvidzidzo zvavo svondo rapera pakoreji iyi.
Pavadzidzi ava, 34 vavo vanosanganisira madzimai echidiki mana aya, vakabva vawaniswa mari yekutanga mabhindauko akasiyana-siyana.
Zvidzidzo zvinoitwa pakoreji iyi zvinosanganisira kuvandudza runako, kusona hembe, kubheka makeke nezvimwe, kubika, kugadzira mota nekukanya zvidhinha.
Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota reHurumende redunhu reMashonaland Central — Cde Christopher Magomo — avo vaive vakamirirwa nadirector of provincial coordination, VaAdmore Shereni, vanoti Ponesai Vanhu College iri kudzidzisa zvinobatsira vagari vekumaruwa.
“Izvi zvinofambirana zvakanaka negwara rebudiriro reSecond Republic iro rine chinangwa chekuona kuti hakuna munhu kana nzvimbo inosara kumashure panhau dzebudiriro. Koreji iyi iri kuita basa rakakosha mukuvhara mukaha uri pakati pemaguta nemaruwa pamwe nekusimudzira budiriro inobatanidza vanhu vose,” vanodaro.
Cde Magomo vanoenderera mberi vachiti: “Kuna vanaamai vachiri kuyaruka vakapiwa mukana wechipiri, chimhingamupinyi chimwe nechimwe chinogona kudzidzisa zvinhu zvinokosha zvinoumba hunhu uye kuvandudza hunyanzvi hwako.
“Shandisai mukana uyu kuti muve vanamuzvinabhizimusi vane mukurumbira vanozosimukira kubva kumabhizimusi madiki kuenda kumafekitari nemaindasitiri makuru.”
Mukuru weDAPP muZimbabwe, VaLuskson Soda, vanoti zvidzidzo zvenguva diki zviri kubatsira avo vasingakwanise kuenderera mberi nedzidzo nekuda kwedambudziko remari kana zvimwe zvikonzero.
“Zvatakaona zvakatiratidza kuti kana tawanisa vechidiki vanobva kunzvimbo dzakasaririra mukana, vanokwanisa kubatsira mukuvaka nyika. Chavanongoda zvikwanisiro nemikana yekushandura hupenyu hwavo,” vanodaro
Vakatenda sangano reFor Women Foundation nekupa mabhezari kuvadzidzi 34, kusanganisira madzimai echidiki ava.
Vadzidzi vanosvika zviuru zvinomwe vakapedza zvidzidzo zvakasiyana paPonesai Vanhu College kubva payakatangwa muna1981.
Chiedza Chirungurira, uyo akapedza chikoro akabereka mwana wake kumusana, anoti rutsigiro rwakamuita kuti akwanise kuisa pfungwa dzake pazvidzidzo zvake asinganetseki nemwana.
“Ndinotenda nemukana wandakapihwa. Ndaiita kosi yerunako uye ndinoda kunovhura muzinda wangu wekugadzira vanhu runako (saloon) kwaMurehwa Centre,” anodaro.
VaEmmanuel Roki, avo vaiita basa rekuchera jecha vachitengesa vasati vawana bhezari, vanokurudzira vamwe vechidiki kuti vatore mukana wezvirongwa zvakasiyana zvakagadzirirwa kuvasimudzira uye kuti vasiyane nekushandisa zvinodhaka.
Vakaita zvidzidzo zvehumakanika uye iye zvino vave kugadzira magiyabhokisi emarori.