‘Madzimai musambunyikidzwe mumabasa’

18 Jun, 2022 - 14:06 0 Views
‘Madzimai musambunyikidzwe mumabasa’ Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naPhillipa Mukome-Chinhoi

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vari kukurudzira vanhukadzi vari mune zvekutapa nhau kuti vanofanira kuramba vachizvikwidziridza mubasa ravo uye kubatana mukurwisa kumbunyikidzwa kwavo.

Mumashoko avo ayo akaturwa nemutevedzeri wavo, Cde Kindness Paradza, pachirongwa chaitsigirwa nesangano reWomen in News (WIN) nemusi weChitatu muHarare – Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vabatane mukurwisa kumbunyikidzwa kwavo mumabasa.

“Vanhukadzi munofanira kuramba makabatana mukurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa nevanhurume avo munoshanda navo uye nemuzvigaro zvepamusoro,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti hofisi yavo inogashira zvose zvakanyorwa mugwaro reSexual Harrasment Policy kuti pasava nevanhukadzi kana vanhurume vanombunyikidzwa mumabasa.

“Hofisi yangu haibvumirane zvachose nehunhu husina kururama. Tiri kurwisa chaizvo nyaya dzekumbunyikidzwa idzi. Ndinotora mukana uno kukurudzira kuti vanhukadzi vagara mubasa iri varambe vachibatsira nekuchengetedza vechidiki vari kupindawo mubasa rekutora nhau kuti vashande murunyararo.

“Kumbunyikidzwa mumabasa kunoita kuti munhu ashaye chimiro, chiremerera, kuzvishora uye zvinodzikisira zvikuru budiriro mumabasa nekuti munhu anoshanda asina mufaro uye aine kutya nekuti vanhu vazhinji vanoita izvi ndevaye vane zvigaro zvepamusro,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vamwe vemadzimai ari mubasa rezvenhau

Vanoti vanhurume ndivo vane zvigaro zvakawanda zvepamusoro mumabasa ekutapa nhau kana zvichienzaniswa nevanhukadzi.

“Vanhurume ndivo vachakati wandeyi mubasa iri, vari pachikamu che73 percent apo vanhukadzi vachiri vashomanana sezvo vari pa27 percent.”

Sen Mutsvangwa vanoti vanofara nekusimudzirwa kuri kuitwa vamwe vanhukadzi vari mubasa rekutapa nhau vanosanganisira Victoria Ruzvidzo anova mupepeti weThe Sunday Mail, Wendy Nyakurerwa-Matinde mupepeti weThe Manica Post, Adelaide Chikungurutse anova chamangwiza weZimbabwe Broadcasting Corporation (ZBC), Nomsa Nkala anova mukuru of Zimpapers Television Network (ZTN) naAbigail Gamanya national director weGender Media Connect.

Susan Makore weWan-Ifra Women in News ari zvakare commissioner weZimbabwe Media Commission (ZMC), anoti boka ravo rinoshanda nemakambani anotora nhau nedonzvo rekuona kuti vanhukadzi vari kushanda zvakanaka here uye vasina zvipingaidzo.

Susan Makore

“Vazhinji havatozivi kuti vari kushungurudzwa mumabasa umu, vanenge vachifunga kuti kutamba. Saka tinoita zvirongwa zvekupanana ruzivo tichivapa chenjedzo yekuti vazive zvakanaka nezvakaipa munyaya dzekodzero dzavo nekukoshesa miviri yavo” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links