Madzimai nevana voshungurudzika

14 Sep, 2020 - 14:09 0 Views
Madzimai nevana voshungurudzika Tarisai Maganzo nevana vake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA dzemhirizhonga yemudzimba dzinosanganisira kusariritira mhuri dzinonzi dziri kuwanda munyika muno, zvikuru munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 apo vamwe vanhu vasiri kuenda kumabasa.

Madzimai nevana ndivo vari kunyanya kusangana nematambudziko erudzi urwu uye vanokundikana kuwana rubatsiro rwechimbi-chimbi zvichitevera kuvharwa kwedzimwe nzvimbo sedzeutano uko kwavaimbowana rubatsiro rwekurapwa nekupangwa mazano.

Mai Tarisai Maganzo (29) vemubhuku raGwaku, kwaMambo Chadambuka, kwaMutare mumwe wemadzimai vasangana nemhirizhonga.

“Murume wangu ari kuSouth Africa, anonditi haakwanise kudzoka sezvo mabhodha akavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19. Ndakatonzwa kuti ava nemumwe mudzimai ikoko. Haasi kutumira mari kana chikafu chekuti ndiriritire mhuri kuno, apa akandisiya ndiine vana vana (4).

“Hama dzemurume dzakandidzinga pamusha pangu vachiti ndiri kuita chipfambi. Ndaisimbokumbira pekurara nevana kusvika sabhuku wenzvimbo ino azondipa chidimbu chemunda uri mubindu rekurima muriwo kuti ndigare,” vanodaro.

Mai Maganzo vanoti upenyu hwakavaomera nokudaro vari kubatsirwa nemumwe mudzimai ane mwoyo chena mukuvaka kamba kemapango nemadhaka kekuti vagare nevana.

“Ndinotofara kana ndikakwanisa kupedza kuvaka kamba kemapango nedhaka ikaka pasina kana simende. Dai kakasazodonha panonaya mvura. Chinondifadza ndechekuti ndinenge ndisisanorara kudzimba dzevanhu nekuti ndanga ndatova mutoro mukuru kuvanhu zvinova zvinomutsa ruvengo uye rusarura,” vanodaro Mai Maganzo.

Panzvimbo yavari kuvarika kamba aka pedyo nerwizi zvekuti vana vanogona kugara vachitonhorwa.

Mudzimai uyu anoti akangonzwa kuti kune chirwere cheCovid-19 asi haana zvekushandisa nemhuri yake kuti vazvidzivirire.

“Chirwere cheCovid-19 ndakangochinzwa kuti chinouraya, asi pari zvino pfungwa dzangu dziri pakuti dai ndawana chikafu nepekurara nevana. Chero ndikafunga nezvechirwere ichi hazvibatsire nekuti masanitiser nemamasiki acho handife ndakaawana nekuda kwehurombo,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti haana zvikomba asi kungoti hama dzemurume wake dzange dzisisamude mumusha.

Muzvare Mufaro Mushunje, vanova murongi kusangano reKatswe Sistahood, vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai nevana dziri kuwanda.

“Kusagarisana zvekare kwevabereki kunoshungurudza mhuri seapo mumwe mubereki anenge ari kunze kwenyika uye asiri kuriritira mhuri. Mudzimai anosangana nezvipomerwa zvakasiyana nokudaro rusarura irworwo rwunokanganisa raramo yevana kunyaya apo vanoshaya pekugara, rudo, kudya nerumwe rutsigiro rwakavanakira,” vanodaro.

Vanoti kuvapo kwemashabhini mumisha inogara veruzhinji kunokonzerawo mhirizhonga apo vechidiki vasiri kuenda kuchikoro vanogumisira vakwezvwa nevanhu vanenge vachiita mabasa akaipa sekudhakwa kana chipfambi, pakati pezvimwe.

Paidamoyo Muganyi anova murongi zvekare kusangano iri anoti vabereki vanofanirwa kuchengetedza vana vavo munguva ino yeCovid-19.

“Vana vanoda kupangwa mazano kuti vasanyanye kushungurudzika nekugara mudzimba uye ibasa redu sevabareki kuti tivape tariro yekuti vachadzokera kuchikoro. Kana tikangovasiya vanopedzisira vava kufunga kuita mamwe mabasa akaipa sekufurirana,” anodaro Muganyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey