Madzimai oimba pamwe chete

15 Mar, 2023 - 12:03 0 Views
Madzimai oimba pamwe chete Zimbabwe Female Gospel Artist Association

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO revaimbi vechidzimai vechitendero, reZimbabwe Female Gospel Artist Association (ZFGA), rakaparurwa muHarare svondo radarika.

Pamhemberero idzi pakaparurwawo dambarefu revaimbi ava rekutanga rinonzi Huyai Tibatane.

Izvi zvakaitika apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika pasi rose mukupembera mwedzi wevanhukadzi – waKurume.

Pagungano iri paive nevaimbi vechidzimai vechitendero vanodarika 20 vanosanganisira Roe Makawa, Doreen Chikuni, Esin Zulu, Precious K, Hetisani Mharidzo naTendai Sadzauchi.

Mharidzo, uyo anotungamirira sangano iri, anoti sevaimbi vechidzimai, vakaumba sangano iri nechinangwa chekutaura nezwi rimwe chete uye kuparidza shoko raMwari.

“Takaparura sangano redu mwedzi uno uyo unocherechedzwa madzimai nekuti tinoda kuburitsa shoko rekuti isu sevanhukadzi, takabatana uye tinotaura neizwi rimwe chete.

“Isu tiri madzimai anoimba musambo wechitendero saka takabatana kuti tiparidze vhangeri raJehovha neizwi rimwe chete uye tichiparidzira nyika yose kuti tigare murunyararo nemurudo,” anodaro Mharidzo.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu reZFGA rekutanga ndedzinoti Zimbabwe Unite/Hilava Kurhula (Tinoda Runyararo) ako kakatsigirwa nekomisheni yeNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC) uye kanonzi Tawana Rugare kakaimbwa nevaimbi vari mudunhu reHarare.

Sangano reZFGA rine nhengo dzinodarika 50 dzinobva kumatunhu anoti Harare, Bulawayo, Manicaland, Midlands nekuSouth Africa uye dunhu rega rine kambo karo kari padambarefu iri.

Share This:

Sponsored Links