Madzimai opunduka nekurima

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MADZIMAI ekuHauna, kuHonde Valley vari kuwana mari zvikuru vachikwanisa kuriritira mhuri dzavo kuburikidza nekurima zvirimwa zvakasiyana vachitengesa.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira nzvimbo iyi  ikaona madzimai ane chitsama achitengesa zvirimwa zvakadai sembambaira, magogoya, madhumbe, tsambatsi, uchi, chibage, bhinzi, matomatisi, miriwo yemhando yakasiyana nemabanana – pakati pezvimwe – ndokuita hurukuro navo.

“Munzvimbo muno takakomborerwa zvikuru nekuti tinorima kwegore rose pasina zororo nekuti tine mvura yakakwana. Tine nzizi nemadhamu saka tinoshandisa nzira yemadiridziro. Vazhinji muno vakatotenga mapaipi ekudhonzesa mvura saka zviri nyore. Mabhanana azere muno nekuti tinomarima mujinga mehova kana makomo munova munogara mvura zvekuti vazhinji vanotobva kunzvimbo dzakadai seHarare, Rusape, Mutare kana muMasvingo chaiko vachiuya kuzohodha,” vanodaro Mai Alice Siyakurima.

Vanoti vakatokwanisa kuendesa vana vavo kuyunivhesiti vachishandisa mari yekurima mabhanana nemagogoya.

“Ndiri chidadiso chikuru munharaunda muno zvekuti kune vasingazivi vanogona kutofunga kuti pamwe ndakaromba izvo kwete ndinoshandisa angu maoko. Kuburikidza nekurima, ndinowana kudya kwemhuri zvimwe ndichitengesa. Hatina dambudziko rekuswera tichipinda muzvitoro kunotenga matomatisi kana miriwo asi kuti tinotovahodhesera ivo vane zvitoro zvikuru tichiita mari ndiko kusaka ndichiti kurima sandi dambe asi kuti ibhizimusi,” vanodaro.

Mai Jennifer Sakuramba vemunharaunda imwechete iyi vanoti vanorima nzimbe, maruva uye nekuchengeta nyuchi vachimora uchi vachitengesa.

Share This:

Sponsored Links