Madzimai vogadzira fetireza

05 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Madzimai vogadzira fetireza Patience Nemhara (kurudyi) apo Sylvia Mutenda achigadzira fetiraisa, Depinah Nkomo (kuruboshwe) achiona

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZIWFT) rakatanga chirongwa chekudzidzisa varimi kugadzira fetireza pachishandiswa zviwanikwa zvemunharaunda dzavo (organic fertiliser) sezvo mhando iyi isingadhure mukuigadzira uye ichiwanisa chikafu chisina njodzi kuutano hweveruzhinji.

Mai Depinah Nkomo, avo vanove mukuru wesangano iri, vanoti chinangwa chavo kutsigira varimi vechidzimai vekumaruwa nenzira dzekurima kwakanaka kusingakanganise mamiriro ekunze.

“Ruzivo rwatiri kuvapakurira takarwuwaniswa nechikwata chekunyika yeIndia uye nevamwe vakabva kuBritain. Tinoshandisa zviwanikwa zvatinazvo sendove neweti yemombe, molasses, matosi ehuku nezvimwe tichigadzira manyowa anokudza zvirimwa nechikafu chezvipfuyo,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti zano iri rakauya mushure mekuona kuti zvekushandisa mukurima zvava kudhura.

Sylia Mutenda achigadzira organic fertilizer

“Takadzidziswa nenyanzvi dzezvekurima kugadzira fetireza yemhando yakasiyana. Tinonyika kg imwe chete yemupunga mumvura kwemazuva manomwe, tozosanganisa nemukaka mumbishi. Panobva pazobuda mukaka wakakora watinozodya, mutuvi uya unenge wasangana nemvura yemupunga ndiwo watinoshandisa mukupa huku dzichikura zvakanyanya.

“Mupunga unozonyururwa wobikirwa vana. Tine varimi vehove vanodziraura kana kutenga muchitoro todzitema-tema tosanganisa nemarita mashanu emolasses uye mvura tosiya zvogara kwesvondo. Mvura iya inoshandiswa mumunda zvirimwa zvichisvibirira zvakanyanya pachibuda goho guru. Fetiraiza iyi inoiswa pamashizha ezvirimwa,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti kuwanikwa kwemolasses ndiro dambudziko guru sezvo vachiitenga kunzvimbo dzinorimwa nzimbe sekuTriangle, Mkwasine, Hippo Valley neChiredzi.

Vanoti fetireza yemhando iyi chikafu chinokudza zvekare zvifuyo zvakadai semombe, huku, mbudzi, hwayi nemadhongi zvichitobereka zvikuru nekuwanisa mukaka wakawanda.

Mai Depinah Nkomo

“Nyaya yekushandisa fetireza yechizvino-zvino yakaipa nekuti ivhu rinopedzisira raneta uye rava nehuturu hunokanganisa mamiriro ekunze. Tine imwe nhando yatiri kugadzira yendove neweti yemombe tichisangaisa nemolasses toigarisa kwemazuva mashanu yakasangana nemvura tichiburitsa marita 180 efetiraiza.

“Weti yemombe tinoitora munguva dzemangwanani apo dzinotanga nekuita weti saka tinochingidzira nemigomo zvekuti mukati memazuva maviri tinenge tatozadza dhiramu. Weti iyoyo ndiyo yatinosanganisa nendove marita 10, molasses marita 10 zvakare uye nemarita 180 emvura towana fetireza yakawanda,” vanodaro Mai Nkomo.

Vanoti kurima kwemhando iyi kwakakosha mukuderedza kudhurirwa nezvekushandisa kuvarimi, zvikuru vekumaruwa, avo vasina mari yakawanda uye kunoita kuti vabure goho rakanaka risingavavi fetireza.

Mai Sylivia Mutenda vanorimira kuNorton vanoti vanofara nedzidziso iyi uye vava kutotanga kuishandisa mubindu riri pamusha pavo apo vanorima matomatisi, muriwo nezvimwe.

“Danho iri rakakosha nekuti unorima padiki uchizowana goho rakakura uye chikafu chaunokohwa chinenge chiine utano. Munyika matova nedambudziko revari kutambudzwa nezvirwere zvegomarara, zvimwe zviri kukonzerwa nechikafu chiri kudyiwa nevanhu chine mafetireza nemishonga yakawanda saka kushandiswa kwefetireza yemhando iyi kunobatsira mukuchengetedza utano hweveruzhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links