Uncategorized

‘Madzimai yave nguva yedu’

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemisambo yakasiyana — Marcy Janyure —  anoti yasvika zvino nguva yekuti vaimbi vechidzimai vasimukire uye vaonekwe vachitungamira munyaya dzemhanzi.

Kubva kare, vaimbi vechidzimai vaichema-chema vachiti vaisawaniswa mikana yakaenzana neyevanhurume asi mumakore adarika madzimai akasiyana ange achisimukira vachikwikwidza munyaya dzemhanzi.

Vamwe vanhukadzi vari kukwikwidzana nevanhurume muindasitiri yemimhanzi vanosanganisra Janyure, Ammara Brown naTamy Moyo avo vave kuverengwa pakati pevaimbi vane mukurumbira munyika ino.

Janyure — uyo ave nemakore akawanda achiita zvemumhanzi — anoti vanhukadzi havafanire kuzvitarisira pasi.

“Kubva kare, madzimai tange tisingaenzaniswe nevarume munyaya dzemhanzi zvekuti mikana chaiyo tange tisingawaniswe yakaenzana asi tinofanirwa kurakidza munhu wese kuti zvipo zvedu zviri kumberi kudarika zvevamwe vanhurume. Tarisai zviri kuitwa naAmmara Brown uye Tamy Moyo, vave kumberi uye vari kushanda nesimba kuti mhanzi yavo irambe ichienda kure,” anodaro. Kubva achitanga kuimba, Janyure akwanisa kuburitsa madambarefu matatu anoti Chishuwo 2012, Ndada 2014 uye naChitai-tai 2018 iro rine nziyo dziri kunetsa zvikuru panguva ino dzinosanganisira Zizefa, Maboorangoma naHaudzoke.

Muimbi uyu – uyo anove mumwe wevanhukadzi vanokwenya mashoo avo mumabhawa akasiyana –  anoti haatye kuridza munzvimbo dzakadai uye akasununguka kuridza kunzvimbo dzakasiyana.

“Kashoma kunzwa kunzi mudzimai ane shoo yake mubhawa uye ari kuridza ega. Kuwana kwedu mashoo kunonetsa uye isu tinongotarisirwa kunzi tiridzire kwakadai sekumakereke nekumichato. Asi ini handiite izvozvo, ndinopinda pese nekuti ndinoda kudzidzisa munhu wese.

“Mumabhawa imomo mandinoridzira ndine madzimai mazhinji vatsigiri vangu vanonditevera vanotouya kushoo vane varume vavo vachifara zvekuti uye ndikabva ndisina kuridza dzimwe nziyo dzavanofarira vanotonditi tanga waridza kambo ikako chete. Zvinorakidza kuti semadzimai pachedu tiri kusimudzirana, ndizvo zvatinofarira chaizvo uye zvatinoyemura,” anodaro Janyure.

Anoti shuviro yake ndeyekuti mhanzi yake iite mukurumbira pasi rose sezvakaita yaMbuya Stella Chiweshe naChiwoniso Maraire.

 

Share This:

Sponsored Links