Uncategorized

Madziro emba ochema kamwana

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Madziro emba  ochema kamwana VaIssach Musanhu

Kwayedza

Nhalwenhle Ncube
MHURI igere mubhuku raChitanga, kuMwenezi iyo yanga ichigara ichinetsekana nekunzwa izwi remwana anochema richibva nemukati memadziro emba dzavo asi vasingaone mwana wacho —vakazorohwa nehama apo vakaona mbatya dzemwana wavo akashaya idzo dzavaive vamuviga nadzo muguva dziri pamusuwo wemba yavo.

Mhuri yekwaMusanhu yakashaikirwa nemwana aive nemakore mapfumbamwe ekuberekwa mugore ra2017 uye yakashamisika zvikuru svondo rapera vachiona hembe dzake dzavaive vaisa muguva rake dziri pamusuwo wemba.

Vakazoziva kuti izwi remwana ravainzwa achichema kubva mumadziro emba dzavo raive remwana wavo akashaika uyu.

VaIsaach Musanhu, vanove baba vemwana akashaya uyu, vanoti havana rugare kwemwedzi mitanhatu yadarika uye vaedza kutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporofita asi zvichiramba.

“Kwave nemwedzi yakawanda apo takatanga kunzwa izwi remwana anochema kubva kumadziro edzimba dzedu. Chinoshamisa ndechekuti musi weSvondo wadarika munguva dzemangwanani, ndakanzwa mudzimai wangu achichema nezwi riri pamusoro, ndipo ndakamhanya kunoona zvaitora.

“Ndakawana mbatya dzemwana wangu akashaika dziri pamusuwo.

“Pakafa mwana uyu, mbatya dzake dzose takadziisa muguva rake. Saka zvinotishamisa kuti tave kuona mbatya dzimwe chete idzi dzave pamusuwo wemba yedu. Tine fungidziro huru yekuti pane akashereketa paguva remwana wedu zvinoreva kuti mazwi ekuchema atiri kunzwa aya ndeemwana iyeyu.

“Kubvira apo takaona mbatya idzi, mazwi ekuchema aya ave kungonzwikwa munguva dzemanheru chete izvo zvasiyana nakare apo takange tisina zororo,” vanodaro VaMusanhu.

Vanoti vakasvitsa nyaya iyi kuna sabhuku wavo uye vari kuramba vachifamba muchivanhu kuti vazive zviri kunyatsoitika kwavari.

“Iyi inyaya inoshungurudza zvikuru nekuti zviri pachena kuti ine chekuita nemwana wedu akafa. Kana vechivanhu vakatadza kududzira chaizvo zviri kuitika, tichamhan’ara nyaya iyi kumapurisa tokumbira kuti tifukunure guva remwana uyu, tione kuti mutumbi wake uchirimo here,” vanodaro.

Vanoti pamazuva ekutanga apo vainzwa izwi remwana aichema richibva mumadziro emba, vakambofunga kuti pamwe yaive katsi asi vakazoona kuti zvakange zvisiri izvo.

Share This:

Sponsored Links