Mafoni aya akonzeresa . . .

08 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Mafoni aya akonzeresa . . . Kuvhiya Chidembo

Kwayedza

Dzimba dziri kuparara nekuda kwemafoni, vanhu vari kufa nekuda kwaiyo foni. Hanzi nevamwe kana uri mudzimai akaroorwa ukabata foni yemurume wako hazvina kusiyana nekusvinurira hanyanisi iri kuchekwa — unotosvorwa nekuvaviwa maziso. Asi iyo foni yakashata here kana kuti anoishandisa ndiye mutadzi?

Zvobva zvaunza mubbunzo unoti, kana vanhu vakaroorana vanofanira kuvimbana zvekusvika pakubatirana mafoni here? Yako foni inobatwa nemudiwa wako here kana kuti kwete? Nemhaka yei? Kana isingabatwe, iine pini, zvirimo zvausingade kuti mumwe wako aone zvii? Wakasununguka kumupa pini yako here? Zvigozopera zvakanaka?

Share This:

Sponsored Links