‘Mafundisi musabire vanhu mari, vaponesei’

29 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
‘Mafundisi musabire vanhu mari, vaponesei’ Robbie Mandiki

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo wechitendero, Robbie ‘Ambassador’ Mandiki, ari kutsoropodza vatungamiri vemachechi vane katsika kekuda mari zvakanyanya vasingabatsire vatendi vavo mumatambudziko akasiyana avanosangana nawo.

Mandiki – uyo anonyanya kuzivikanwa nekambo kanonzi Kereke Yapinda Matsotsi – akabura dambarefu rake idzva rechina, Extra Lesson.

Dambarefu idzva iri rine kambo kanonzi Jehovha Zupco ako anotaura nezvekutsotswa kuri kuitwa vanhu kumachechi.

“Zvinhu zvakawanda zviri kutengeswa kune mamwe makereke, ingave mvura yemuteuro, mafuta emuteuro, kuona mufundisi kana prophet uye kupihwa pekugara pakanaka mukereke unotobhadhariswa mari.

“Saka tinosvika kupi tichidaro? Kereke ngaive nzvimbo yeruponeso yekuti vanhu vanoenda kunotsvaga kuponeswa nekubatsirwa matambudziko avanenge vachisangana nawo. Kwete kuti pamusoro pematambudziko, moda kuvabira kamari kashoma kavanenge vainako.

“Jesu chaiye mubhaibheri aisabhadharisa vanhu asi aingobatsira pachena vaiuya kwaari vachitsvaga ruponeso. Asi unotozvishairwa pazvo kuti sei vaparidzi vemazuva ano vachitibhadharisa kuti vatinamatire uye vobira vanhu mari dzavo,” anodaro Mandiki.

Anoti akapa kambo kake zita rekuti Jehovha Zupco sezvo makomborero aanowana muupenyu hwake ose anouya pachena uye anoita seari kufamba nebhazi reZupco iro risingadhure.

“Vanhu Mwari tinovashevedza nemazita akasiyana, vamwe vanoti Jehovha Jireh, Nisse, Rapha kana kuti Shalom. Saka vanoshevedzwa zvinoenderana nezvavanenge vachiitirwa.

“Ini wangu Mwari ndinomuti Jehovha Zupco nekuti anondipa makomborero akawanda uye zvose anongondipa mahara,” anodaro Mandiki.

Dambarefu rake idzva rine nziyo dzinosanganisira Hatina Musha ako akaimba naJoseph Tivafire, Chikumbiro, Vanondiona, Haashanduke naWakachinjirwa.

Mandiki akaburitsa mamwe madambarefu matatu anoti Comprehension (2016), Corrections (2018) naRevision (2020).

Share This:

Sponsored Links