Mafuro ave mashoma: z c F U

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAMIRIRO ezvipfuyo mune dzimwe nzvimbo dzenyika anonzi haasisina kumira zvakanaka zvichitevera kuparadzwa kuri kuitwa mafuro nemoto wesango uye nekushomeka kwemvura yekunwa nekuda kwekuzara kwenzizi pamwe nemadhamu nejecha zvichikonzerwa negukuravhu.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmer’s Union (ZCFU), VaWonder Chabikwa, vanoti mafuro mazhinji akaparadzwa nemoto wesango nokudaro ave mashoma zvikuru.

VaWonder Chabikwa

“Mafuro ave mashoma zvikuru panguva ino zvisinei nekuti aifanira kunge akawanda kusanganisira mashanga aichengetedzerwa zvipfuyo kuti zvigowana kudya munguva yechirimo. Moto wesango wakaparadza mafuro mazhinji izvo zviri kuita kuti mombe, mbudzi, hwayi, madhongi  zvishaye mafuro.

‘‘Zvakakosha kuti varimi vafundiswe kuchengetedza zviwanikwa sezvakanga zviri kuitwa panguva iyo bazi reNatural Resources Board rakanga richiri kushanda,” vanodaro.

Vanoti mvura ichiri kuwanikwa munzvimbo zhinji zvisinei nekuti mamwe madhamu nenzizi zvakazara nejecha.

“Mvura yekuti zvipfuyo zvinge zvichinwa ichiri kuwanikwa zvisinei nekuti mamwe madhamu ave nemvura shoma zvichikonzerwa nekufushirwa kwaari kuitwa nejecha.

“Mishonga yekudzivirira zvipfuyo kubva kuzvirwere zvakasiyana mimwe iriko asi haina kuringana,” vanodaro VaChabikwa.

Vanokurudzira varimi kuti vange vachifunda nezvekuchengetedzwa kwenharaunda nezviwanikwa kubva kunyanzvi idzo dzinowanikwa mumatunhu avanogara.

Mvura yakanaya munharaunda yekwaMukwe, kwaMangwende kwaMurehwa, svondo rapera pamberi yakashamisa vakawanda. Mushure mekunaya kwechinguva chipfupi, mvura iyi yakaita chivhuramabwe icho chakasara chaita mitutu mitutu muminda, muzvivanze, kumafuro ezvipfuyo nemumakomo. Vanoona nezvemamiriro ekunze vari kuti mwaka wezhizha gore rino ungangonaya mvura iri pakati nepakati kana kuita shoma. — Mufananidzo naTinani Edward Chasi.

“Kuchengetedzwa kwemasango kubva kumoto ndeamwe emabasa anofanira kuitwa nevanhu senzira yekuchengetedzwa zvirimwa nezvipfuyo.

“Kune madhumeni ari munharaunda dzakasiyana anofundisa vanhu maringe nenyaya idzi,” vanodaro.

Vanoti chikafu chezvipfuyo chiri kuwanikwa muzvitoro zvakasiyana zvisinei nekuti makambani anogadzira chikafu ichi ari kusangana nematambudziko ekushaya mapuroteni ekututsira muno nokudaro ari kudhurirwa nekutsvaga mari yekunze kuti ange achinoatenga kunze kwenyika.

VaEdward Dune vanova executive director wesangano reZimbabwe National Farmer’s Union (ZNFU) vanoti mafuro achakaringana munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva zvisinei nekuti kuvarimi vadiki ave mashoma zvikuru.

“Munzvimbo dzakagadzirwa varimi patsva mafuro achiriko sezvo dambudziko remoto yesora richiri shoma asi kuvarimi vadiki mafuro ava mashoma zvikuru zvichitevera kunyuka kwemoto wesango kwakanyanya munguva ino yekupisa.

“Mvura yekushandisa inokwanisa kupedza gore rese asi mune dzimwe nzvimbo dzinopisa zvakanyanya dzakadai seRegion 3 ne5 kunogona kuita dambudziko sezvo mvura isina kunyatsonaya zvakanaka mwaka wadarika nokudaro zvipfuyo zviri kufamba nzendo ndefu zvichitsvaga mvura yekunwa,” vanodaro.

Vanoti mishonga yekurapa zvirwere zvinobata zvipfuyo zvakadai seBlackleg haisi kuwanikwa kumadhibha mazhinji munyika kusanganisira nemimwe yakakosha kuzvipfuyo munguva yekupisa.

“Kune zvirwere zvinobata zvipfuyo zvakadai seTheiriosis neHeart Water izvo zvinokwanisa kurapwa kuburikidza nekushandisa mishonga yemaantibiotics yakadai seTerramycin inova mishonga iri kushaikwa zvikuru sei kumaruwa,” vanodaro.

Vanokurudzira varimi kuti vatengere zvipfuyo zvavo kudya kune mapuroteni sezvo mafuro mazhinji asisina kusvibira nekuda kwezuva izvo zvinoita kuti ave nekudya kusina utano.

Vanoti mitengo yechikafu chezvipfuyo iri kuramba ichingokwira izvo zviri kuita kuti varimi vange vachiomerwa zvikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey