Magariro aVaShona

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo. [25]

Tinopfuurira mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyu watakatanga svondo rapfuura.

Kuparadza kwemakuhwa mudetembo Amai vomwana batai mwoyo panonzi,

“Ndakakuudza kuti shamwari zhinji dzinoparadza,” nepanonzi, “Guhwa rinoparadza nzanga,” uye panonzi,

“Chingururu akauraya Chaminuka

Napamusana pamakuhwa.”

Unyope/usimbe mudetembo rinonzi, Unyopi chirwere panonzi,

“Mazuva okugaropimirwa akapera,

Shanda ugondyewo zvamaoko ako,” nepamwe panonzi,

“Iwe shandawo urege kuposhwa navamwe sehangaiwa,” uye panonzi,

“Nyopi yehama ishumba inorura

Kugara nenyopi kugara namatambudziko.”

Rushusho rwavanavamwene kuvaroora vavo mudetembo, Nhuna dzomuroora, nokuti madzimwene haana ndagona.

Muroora akashanya kwavamwene anonzi kuvinga kudya, akasavamaira onzizve anovasema, panonzi,

“Ndiende kumba kwavo u-uri,

Zvonzi, kuvinga zvokudya,

Ndikaregazve kundovamaira,

Zvonzi muroora anondisema” nepamwe panonzi,

“Handina chandinovapa vakatenda,” uye pamwe panonzi,

“Meso avo anozara ropa kana vachindiona,” kureva kuti vamwene vanotoda kuuraya muroora wavo kuti zvivabve.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>