Magaro, zvigaro, kugara, kugarisana nekugarirwa

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

HANDISI nhubu, asi ndiri mudzidzisi. Nekudaro teerera nechinangwa chekuvhurika nekunzwisisa. Tinonzwa mazwi, tichidya kudya nekunyora nechinyoreso takagara pachigaro nemagaro. Magaro mutezo wemuviri unofungidzirwa nevanhu vakawanda kuti unonyadzisa kuutaura. Asi izwi rechiito ndiyo “noun” pachirungu rekuti /gara-/ rinobva pazita rekuti garo kana magaro.
Chigaro chii? Chigaro mudziyo wekugara kwete wekuti munhu amire pamusoro pawo. Kana zvikanzi, “Garai pasi,” asi iwe wobva wakwira pachigaro womira netsoka dzako panofanira kugara magaro, unenge wave kuda kumbotariswa njere dzako kuti dzakakwana here.

Kugara zvinoreva kuwana pekuisa magaro – pangave pasi chaipo panyika, kana padanda kana padombo kana ipo pachigaro.
Kana tikaenderera mberi nako kugara, tichasvika pakugarika. Kugarika kunoreva kunyatsogara zvakanaka usina chinokukanganisa kuti unzi wakagara. Ndiko kunyatsoti zete!

Kana tave pakugarisana tinenge tave kureva kuita kuti vakagara vese, vagarisane vasingapedzerane pekugara uye vachiwirirana kuti magaro avo vese ave nepekugara. Ndizvo zvinonzi nevakomana mumakombi, “Vabereki garisanai.” Chavanoreva ndechekuti garai pasina kutadzisana kugara.

Asi pane kumwe kugara kunoitwa nechinhu chisina magaro chakaita senyoka. Nyoka haina magaro, asi inogona kugara muchuru, muguru kana mubako kana imwewo nzvimbo. Chinoita kuti nyoka igare iyo isina magaro, kuita kwainenge yaita, kuti nzvimbo yairi kugara ive yayo.

Apa tave kutaura zvekutora nekuzviita muridzi wenzvimbo yairi kugara zvekuti nyangwe nevanhu vanopedzisira voti panzvimbo yakati iye panogara nyoka kana chipoko kana chimwe chinhu.

Asi kugara kwechinhu chakaita senyoka kana chipoko panzvimbo kwakabvumirwa nani? Sabhuku kana mambo havape nyoka nezvipoko nzvimbo dzekugara ivo vanhu varipo?

Saka zvinorevei kana musikana achiti ane nyoka inogara mudumbu make? Mwari vachisika munhu, vakamuita kamwari kadiki (Mapisarema 82:6). Pazvinhu zvese zvakasikwa naJehovha, havana kuti pane chichatonga munhu – nyangwe satani chaiye haana kupihwa simba rekutonga munhu, nekuti munhu ane humwari.

Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”

Kugara kune nhoroondo refu. Isu vanhu tiri vagari venyika ino, uye tine simba. Hatina kusikirwa kugarwa kana kurarwa nenyoka. Gara, kwete kugarwa. Kana wakagarwa, svipa gararwa iroro ufeme zvakanaka.

Semunhu akasikwa nemufananidzo waMwari, une simba, saka ramba nemuromo wako kugarwa nezvakazvigarira. Ko izvo hazvigone kugara zvega here?
Kune vane zvigaro zvenharo. Vakati vawana zvigaro vakaramba nazvo, asi unorambira pauri kugara kana pachigarika. Newe

kana uchigarwa nezvinokugara, chinoita kuti zvigare ndechekuti pauri panogarika. Kana usingade kuti pauri pagarike kana kugarwa nemweya yenyika ino, shandisa simba rawakapihwa naMwari uti kana waiona nyoka iyoyo, “Iwe nyoka, newe katsi hamuna mvumo yekupinda nekugara mandiri. Ini handikudei uye handikuzivei. Ini ndakasikwa nemufananidzo waMwari, ndinoyera. Ibvai mandiri.”

Hapana chinoshamisa kutaura nemweya yetsvina, inonzwa. Vakuru vekare vaipopotera midzimu kana varoyi chaivo zvinhu zvichitonaka. Bhaibheri rinoti, “Rurimi rune simba rehupenyu nerufu.”

Kurumidza kutsvaga chechi inoshandisa Bhaibheri ugamuchire Jesu semuponesi wako kuti unyatsove nesimba rake iye Jesu wacho mauri nyoka iyo ishaye pekugara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey