Magaya akabatwa nemhosva

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Magaya akabatwa nemhosva

Kwayedza

Tendai Rupapa
MUTUNGAMIRIRI wechechi yeProphetic Healing and Deliverance (PHD) Ministries, Walter Magaya nemusi weChipiri svondo rino akabhadhariswa faindi ye$700 nedare reHarare Magistrates’ Court mushure mekubatwa nemhosva yekuzivisa kuti akawana mushonga unorapa AIDS asina kutevedza zvinodiwa pasi pemutemo weMedicines Control Act.

Magaya, anove mumwe wemadirector ekambani yeAretha Medical (PVT) Ltd iyo yaiona nezvemushonga weAguma, anobvuma mhosva yake mudare iri.

Achatorerwa mimwe yemidziyo yake nedare kana akatadza kubhadhara faindi iyi panosvika musi weChishanu chino, sekutongwa kwakaitwa namutongi Rumbidzai Mugwagwa.

Mutongi anoti Magaya akaisa upenyu hwevanhu panjodzi apo asina kutevedza gwara rinodiwa pasi pemutemo paakazivisa veruzhinji nezvemushonga wake weAguma.

Nguva yadarika, Magaya akazivisa kuti akange awana mushonga waakapa zita rekuti Aguma uyo waakati unorapa HIV neAIDS uye mukuita izvi, haana kutevedza gwara rinodiwa pasi pemutemo weMedicines Control Act.

Magaya akaudza dare kuti mushonga wake weAguma ndewechokwadi uye wakaongororwa mulaboratory kuIndia ndokupasiswa kuti ushande.

Asi, mutongi Mugwagwa akamuroverera pamhosva iyi achiti haana kuve nehanya yekutevedzera zvinodiwa nemutemo asati azivisa veruzhinji nezvemushonga wake.

“Ibasa remusungwa rekutora matanho anodiwa asati azivisa kuruzhinji,” anodaro.

“Nyaya iripo haisi yemushonga wekurapa HIV kana AIDS, asi ndeyeAretha Medical iyo yaifanira kutevedza gwara rinodiwa nemutemo.”

Magaya — uyo ainge akamirirwa negweta rake VaEverson Chatambudza – akaburitsa magwaro mudare anoratidza kuti mushonga wake wakaongororwa kuIndia.

Anobvuma kuti kambani yake yakakanganisa payakazivisa nezvemushonga uyu apo bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakange risati rapindura tsamba yavakanyora vachitaura nezvekuwana kwavo mushonga uyu pamwe nekuudzwa gwara ravaifanira kuzotevedza.

Magaya anoti kambani yake haina kuwana mhinduro kubva kumunyori mukuru webazi iri pamusoro petsamba yavakanyora vasati vazivisa nezveAguma.

Share This:

Sponsored Links