MaGems ogadzirira remangwana

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
MaGems ogadzirira remangwana Felistas Kwangwa

Kwayedza

Abel Ndooka

VAMWE vatambi venetball vemuchikwata chenyika chemaGems vari kugadzirira ramangwana ravo kuburikidza nekuenda kuchikoro uko vari kuita zvidzidzo zvakasiyana-siyana.

Vatambi ava vanosanganisira kaputeni wechikwata ichi Felistus Kwangwa uyo ari kuita zvidzidzo zveEconomic History paUniversity of Zimbabwe, kozoti Claris Kwaramba ari kuitawo zvidzidzo zvemutemo payunivhesiti imwechete iyi zvakare.

Achitaura neKwayedza svondo rino muHarare pamhemberero dzekudzoka kwemaGems kubva kuSouth Africa uko vainge vaenda kunokwikwidza kumakwishu eAfrica Netball Championships, Kwangwa anoti semaGems vari kukurudzirana kuti vaende kuchikoro vanodzidza kuitira ramangwana ravo.

Kwangwa anoti dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu uye anokoshesa fundo yake zvekuti paanenge asingatambe netball anenge achiverenga mabhuku.

“Chokwadi dzidzo ndiyo musimboti wehupenyu, unofanirwa kudzidza. SemaGems tinokurudzirana kuti ngatidzidzei uye tigadzirire remangwana redu,” anodaro.

Kwangwa anoti dhigirii rake raari kuita reEconomic History anogona kuzoshanda mabasa anosanganisira kuve muzvinhanhorowondo (Historian), muongorori wemamiriro ezvenyaya dzehupfumi (Economic analyst) kana kuita zvetsvakurudzo (researcher).

Anoti ari kutarisira remangwana rake rakanaka nekudaro ari kushanda nesimba kuti agobudirira mufundo yake.

“Dhigirii randiri kudzidza ndinogona kuita mabasa akasiyana saka ndiri kuvavarira kuti ndipedze uye kana ndave naro ndotanga kushanda.

“Asi hazvireve kuti ndichabva ndasiya kutamba netball nekuti mwoyo wangu uri pamutambo uyu uye ndichashanda nesimba kuti ndizviite zviri zvese,” anodaro Kwangwa.

Zvakadaro, chikwata chemaGems chakapedza chiri pechina kumakwishu eAfrica Netball Championship chiri kumashure kweSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey