Magetsi ari kuwandirwa: ZETDC

16 Sep, 2022 - 19:09 0 Views
Magetsi ari kuwandirwa: ZETDC Magetsi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KAMBANI yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company (ZETDC) inoti kudzima kwemagetsi kuri kukonzerwa nekudzikira kwemagetsi muzviteshi zvayo.

Maererano nehuwandu hwekugadzirwa kwemagetsi kubva nemusi weChitatu chino, Zimbabwe Power Company yanga ichigadzira magetsi anosvika 934 megawatts kubva mumagwenya ayo mashanu.

Kariba ndiyo yakabuditsa huwandu hwakakura hwe751 megawatts, ichiteverwa neHwange ine 145 megawatts ukuwo zviteshi zvidiki zvichigadzira 38 megawatts.

Muchiziviso, ZETDC inoti kuwedzera kwekudzimwa kwemagetsi, uko kwakatanga neMuvhuro, kuchaenderera kusvika nemusi weChishanu chino.

“Izvi zvakonzerwa nekuderera kwekugadzirwa kwemagetsi pamwe nekuwedzera kwekudiwa kwemagetsi nekuda kwekusimukira kwemabasa eupfumi hwenyika,” inodaro ZETDC.

Zimbabwe inoda magetsi anodarika 2 000 megawatts pazuva apo mamwe anotengwa kunze izvo zvinoda mari inosvika US$17 miriyoni pamwedzi.

Asi izvi hazvisi kukwanisika kuitika sezvo ZETDC iri kutadza kubhadhara magetsi anobva kunze aya nenguva inenge yakatarwa. Kusimukira kwemabasa eupfumi, kunyanya muchikamu chekurima nechemigodhi yezvicherwa pamwe nekugadzirwa kwezvinhu, kwaita kuti kudiwa kwemagetsi kuwedzere.
Pamusoro pezvo, mabasa ekuvakwa kwedzimba dzakawanda nemamwe ekuvandudza zvivakwa zviri kukonzerawo kuwedzera kwekushandiswa kwemagetsi.

Senzira yekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemagetsi, pane matanho ari kutorwa anosanganira kuwedzerwa kwegwenya reHwange nemayunitsi maviri apo imwe yacho ichitarisirwa kutanga kushanda munaMbudzi gore rino.

Mayunitsi maviri ari kuHwange achaburitsa 600 megawatts. Zimbabwe iri kushandawo neZambia pakugadzira gwenya remagetsi reBatoka Gorge iro rinotarisirwa kuzoburitsa 2 400 megawatts apo nyika ino yakatarisana nekuona kuti yawana magetsi anokwanirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>