MAGETSI MUZVIKORO!… 4 000 kumaruwa zvatova nawo: REA

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
MAGETSI MUZVIKORO!… 4 000 kumaruwa zvatova nawo: REA VaNyamayedenga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BAZI reRural Electrification Agency (REA) rinoti rakaisa magetsi muzvikoro zvepuraimari nesekondari zvekumaruwa zvinosvika 4 000 munyika yose uyewo nezvimwe zvivakwa zvakaita semakiriniki, mabhizimisi nemisha yeveruzhinji.

Kuiswa kwemagetsi muzvikoro izvi idanho guru munyaya dzekusimudzira fundo sezvo zvichaita kuti vana vakwanise kuita zvidzidzo zvemakombiyuta nyore.

Mabasa ekuiswa kwemagetsi aya ari kufambirana zvakare nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheTransitional Stabilisation Programme (TSP).

Mukushi wemashoko kuREA, VaJohannes Nyamayedenga, vanoti kusvika pari zvino bazi ravo raisa magetsi muzvikoro 4 000 nemuzvivakwa zveruzhinji 9 312 apo 5 390 zvakatobatsirikana pasi pechirongwa ichi pakati pemwedzi waNdira naKurume gore rino.

Mabasa ose aya ari kuitwa kuburikidza nehomwe yeRural Electrification Fund (REF).
“Kusvika pari zvino, taisa magetsi muzvikoro zvepuraimari zvinosvika 2 699, zvesekondari 1 359 nezvipatara nemakiriniki 874 zvekumaruwa, mahofisi emadhumeni eHurumende 411, dzimba dzemadzishe 244, mabhizimusi 952, varimi vadiki 774, dzimba dzevagari vekumaruwa 1 175 nemimwe mizinda 803.

“Chinangwa chekuisa magetsi aya pachena chakauya mushure mekunge taona kuti zvimwe zvikoro nevanhu vari munharaunda dzekumaruwa vari kuomerwa zvikuru nekushaya mari yekutsigira mabasa aya,” vanodaro VaNyamayedenga.

REA iri kuitawo zvirongwa zvekushandiswa kwemagetsi anobva mundove (biogas) neanobva muzuva senzira yekuchengetedza magetsi.

Asi vanoti bazi ravo riri kusangana nematambudziko ekushomekerwa nemari yekunze yekuti vafambise zvirongwa zvavo nenguva.

Zvichakadai, VaNyamayedenga vanoti bazi ravo richatuma chikwata chevashandi icho chichaenda kunoongorora hudzamu hwekuparadzwa kwakaitwa midziyo inofambisa magetsi kuzvikoro zviri kuManicaland zvichitevera njodzi yemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai kuitira kuti zvakaparadzwa zvigadziriswe.

Chirongwa chekuiswa kwemagetsi kumaruwa chakatanga mugore ra2002 zvichitevera kudzikwa kwemutemo weRural Electrification Fund Act unova wakaita kuti REA inge ichiumbwa.

Share This:

Sponsored Links