‘Magirovhosi haisi nyaya’

04 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
‘Magirovhosi haisi nyaya’ VaRusike

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

NYANZVI dzezveutano dzinoti hazvina njodzi kuti vashandi vezveutano savanamukoti vabaye vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vasina kupfeka magirovhosi sezvo pasina humbowo hunoratidza kuti kuita kwakadai kune njodzi.

Izvi zvinotevera makakatanwa ari kuitwa neveruzhinji pamadandemutande anosanganisira Facebook neTwitter ekuti vashandi vezveutano vanofanirwa here kupfeka magirovhosi kana kuti kwete kana vachibaya vanhu majekiseni aya.

Pane mifananidzo iri kutenderera pamadandemutande aya inotaridza vashandi vezveutano vakapfeka magirovhosi asi vamwe vasina.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti vashandi vezveutano havasungirwe kupfeka magirovhosi pavanobaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunze kwekunge ari kubaya wacho achikwanisa kutapukirwa kana kusangana nemvura dzinobuda mumuviri apo anenge aine ronda kana kukuvara paruoko rwake.

Vanoti kana magirovhosi akasashandiswa nemazvo, anotokonzera kutapurirana hutachiona hwezvirwere zvakasiyana.

Dr Edwin Sibanda, avo vanove director of Health Services kuBulawayo, vanoti vashandi vakadai sevanamukoti nevamwe vezveutano havasungirwe kuti vapfeke magirovhosi kana vachibaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Handizivi kuti magirovhosi emhando iyi anokwanisa kuwanikwa zviri nyore here nekuti anoshandiswa kamwe chete panobiwa munhu mumwe.

“SemuBulawayo, takapihwa majekiseni 13 200 zvinoreva kuti tinenge tichida magirovhosi ane huwandu hwakafanana nehwemajekiseni aya ekupa vashandi vedu,” vanodaro Dr Sibanda.

Vanoti Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika 10 miriyoni majekiseni ekudziviria Covid-19 zvichireva kuti panenge potodiwa magirovhosi 20 miriyoni ekushandisa panobaiwa vanhu majekiseni kaviri munguva dzakasiyana.

Dr Sibanda vanokurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 vachiti vanhu havafanirwe kukoshesa nyaya yekuti mishonga iyi iri kugadzirwa kunyika ipi.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaItai Rusike, vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health, vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nemamwe mashoko asiri echokwadi anokanganisa vanhu kuti vatore matanho ekuchengetedza upenyu hwavo.

“Hapana chakaipa kuti vashandi vezveutano vapfeke magirovhosi pavanobaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye hazvina kuipa zvakare kana vanamukoti vakabaya majekiseni aya vasina kuapfeka. Tiri kugara tichiona vashandi vezveutano vachizora sanitizer mumaoko avo senzira yekuzvichengetedza,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links