Ma’gold coins’ madiki ouya

07 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Ma’gold coins’ madiki ouya Dr Mangudya

Kwayedza

Debra Matabvu

BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rinoti richaburitsa magold coins anosvika 4 500 emari diki nemusi weChipiri svondo rinouya apo Hurumende iri kushanda nesimba kudzikamisa simba remari yemuno pamwe chete nekuderedza kukwira kwemitengo yezvinhu.

Mari diki yemagold coins aya ichange iri chikamu che”one-tenth of an ounce” uye ichatengeswa nemari yemuno kana United States dollars nemutengo unoenderana newepamusika wepasi rose ne5 percent pamusoro yekugadzirwa kwayo.

Muna Chikunguru gore rino, RBZ yakaparura magold coins ane huremu hwe”one-ounce”.

Kusvika pari zvino, magold coins anodarika 11 000 uye achikosha $11,4 bhiriyoni atengeswa apo vemakambani vari ivo vatenga mazhinji acho.

Gavhena veRBZ, Dr John Mangudya, vanoti kuuya kwemagold coins kwakaita kuti mari yemuno ive nesimba uye kuti mitengo yezvinhu isarambe ichikwira zvaita kuti vade kuunza mamwe magold coins ane huremu hwakadzikira pane aripo izvo zvinoita kuti upfumi hwenyika hudzikame.

“Tichabudisa magold coins anosvika 4 500 ane huremu hwakati dzikirei pane agara aripo kubva musi wa15 Mbudzi 2022 zvinoenderana nezvatakanga taudza veruzhinji nguva yapfuura,” vanodaro Dr Mangudya.

“RBZ ichaunza “one-tenth of an ounce, one-quarter nehalf of an ounce”. Pari zvino, magold coins anosvika 11 475 atengeswa nemari inosvika $11,4 bhiriyoni,” vanodaro.

“Tichazadzikisa zvatakataura pakutanga kuti tichaunza magold coins madiki kuitira kuti munhu wose anokwanisa kuashandisa. Zviri kuratidza kuti vanhu vari kuafarira saka kuunza madiki kuchaita kuti adiwe zvakanyanya uye zvichabatsira kuti upfumi hwenyika hufambe zvakanaka,” vanodaro Dr Mangudya.

Nyanzvi munyaya dzeupfumi, VaEddie Cross, vanoti kuuya kwemagold coins madiki kunobatsira zvakanyanya munyaya dzekusimukira kweupfumi hweZimbabwe.

“Pari zvino, zviri kuratidza kuti vanhu vari kufarira magold coins. Ndakagara ndichifunga kuti mamwe magold coins anofanira kuramba achiiswa mumusika kuitira kuti abatsire mukufambiswa kwezveupfumi hwenyika.

“Naizvozvo, kuunza magold coins madiki kunoita kuti upfumi hwenyika hufambe zvakanaka,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa neimwe nyanzvi yezveupfumi, VaProsper Chitambara, vachiti zviri kuitwa neRBZ izvi zvinoenderana nehurongwa hwaPresident Mnangagwa hwekuti hapana munhu kana nzvimbo inofanirwa kusaririra kumashure panyaya dzebudiriro yenyika.

“Magold coins ari kubatsira kudzikamisa upfumi hwenyika uye kuti zvinhu zvisakwira mitengo pamwe chete nekuti mari yemuno ive nehuremu. Ari kufarirwa zvakanyanya, kunyanya nevemakambani,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>