Maguta egorosi muZim

21 Jul, 2022 - 13:07 0 Views
Maguta egorosi muZim Zimbabwe inoda matani 400 000 egorosi pagore kuti inge ichikwanisa kuwanisa nyika furawa nezvimwe zvinobva muchirimwa ichi.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vanoshandisa madiridziro vanokurudzirwa kuti varime gorosi rakawanda mwaka uno weChando senzira yekuti nyika izadzikise zvinangwa zvayo zvebudiriro zveVision 2030 uye kuti ive nemaguta.

Gore rino, varimi vanotarisirwa kurima gorosi rakawanda kuitira kuti Zimbabwe isazongopona negorosi rinobva kune dzimwe nyika idzo dzinogona kuve dziri kutarisana nematambudziko sekusanduka kwemamiriro ekunze uye gakava riri pakati peRussia neUkraine dzinova nyika dzaiwanza kuwanisa Zimbabwe gorosi, pakati pedzimwe.

Gakava riri pakati penyika mbiri idzi raona nyaya dzekufambiswa kwechikafu, zvikuru gorosi, kuchikanganisika sezvo Russia neUkraine dzichiwanisa chikamu che30 percent chegorosi pasi rose.

Kubvira kumavambo ekusawirirana uku, mitengo yegorosi iri kukwira zvakanyanya kusanganisira chingwa nezvimwe zvinogadzirwa kubva muchirimwa ichi.

Dr Shadreck Makombe, avo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, vanoti varimi vanofanira kushandisa nzira dzakanaka mukurima gorosi kuitira kuti vawane goho guru.

Vanoti pari zvino gorosi rakadyarwa riri kuratidza kukura zvakanaka zvichitevera kuzvipira kuri kuita varimi uye hunyanzvi hwavakawaniswa nemadhumeni avo uhwo vari kushandisa.

“Chirimwa chegorosi chakanaka zvikuru uye tinotarisira kuva negoho guru nekuti tichine mvura yakawanda mumadhamu. Hakuna zvinyunyuto zvakawanda zviri kubva kuvarimi nekuti mishonga yavo vakaiwana nenguva asi dambudziko rekugaroenda kwemagetsi ndiro riri kuvashungurudza,” vanodaro.

Dr Makombe vanoyambira varimi kuti vavandudze mhando dzezvirimwa zvavanoisa muminda yavo gore negore kuitira kuti goho risimukire uye zvinobatsira mukuderedza zvirwere netwumbuyu.

“Takatarisa gorosi remuChando, tine donzvo rekudyara 75 000 pahekita imwe chete kuti tigowana matani 383 000 rinova goho guru rinopa nyika ino nhoroondo.

“Zvisinei nematambudziko ekunonoka kudyara mumwaka uno weChando, pari zvino gorosi rakadyarwa rine chikamu che62,8 percent kureva kuti riri pamusoro kudarika regore rapera nechikamu che70 percent. ZESA Holdings neZimbabwe National Water Authority (Zinwa) vakavimbisa kuti vachatsigira varimi kuti vaite mabasa avo nemazvo,” vanodaro.

Hurumende iri kuramba ichiwedzera huwandu hwegorosi rinorimwa muZimbabwe kuti izadzikise zvinodiwa nenyika zvichifambirana nechirongwa cheAgriculture and Food Systems Transformation Strategy, Agriculture Recovery Plan, National Development Strategy 1 (NDS1) uye Vision 2030 nekuona kuti veruzhinji vawaniswa mabasa izvo zvinosimudzira nyaya dzeupfumi.

Zimbabwe inoda matani 400 000 egorosi pagore kuti ikwanise kuwana furawa nezvimwe zvinobva mugorosi zvinokwanirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>