Mahekita 1,8m echibage orimwa  

27 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
Mahekita 1,8m echibage orimwa   Dr Muswere

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ine donzvo rekusimudzira zvakanyanya mabasa ekurima mumwaka uno wezhizha izvo zvichaona mahekita anosvika 1,8 miriyoni achirimwa chibage nechinangwa chekuti munyika muve nechikafu chinokwanirana.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro — Dr Jenfan Muswere — vanoti Hurumende ine hurongwa hwakasimba hwekusimudzira budiriro munyaya dzezvekurima mwaka uno.

“Hurongwa hwemuzhizha hune chinangwa chekuwedzera kurimwa kwembesa dzinosanganisira chibage kuenda pamatani 3 274 200 mumwaka wa2024-2025 kubva pamatani 744 271 mumwaka wa2023-2024.

“Kusimukira kwekurimwa kwembesa dzinonyanya kurimwa, kunotarisirwa kuwedzera nechikamu che347 percent kubva pamatani 914 848 (mwaka wadarika) kuenda pamatani 4 093 700. Chinangwa ndechekuti parimwe chikafu chinokwanirana munyika uye nechimwe chinozosara chiri mudura,” vanodaro Dr Muswere.

Mwaka uno, pane hurongwa hwekurimwa kwemahekita

3 241 000 apo mahekita 1,8 miriyoni ndeechibage uye mamwe acho acharimwa zvinosanganisira mhunga, rukweza, zviyo, soya bhinzi nenzungu.

Pamahekita 3 241 000 aya, 635 584 anotarisirwa kurimwa pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa apo kurimwa kwemamwe mahekita ose asara kuchatsigirwa neCBZ, AFC, NMB nemamwe mabhanga pamwechete nevarimi vakazvimirira.

Dr Muswere vanoti kugoverwa kwezvekushandisa kuvarimi pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme, kusanganisira zvekurimisa donje, kwakatotanga zvichitevera kuturuka kwemvura iyo iri kunaya kunzvimbo dzakasiyana dzenyika.

“Kuwanikwa kwemvura nemafuro kuri kutaridza kusanduka zvichitevera mvura yakanaya. Chikafu chezvipfuyo chakaendeswa kumadistricts 27 nechinangwa chekubatsira mombe dzinosvika 107 387. Nharaunda dziri kubatsirawo pane zviri kuitwa neHurumende,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links