Uncategorized

Mahwindi obatsirwa

21 Sep, 2020 - 15:09 0 Views
Mahwindi obatsirwa Mahwindi vaine chikafu chavakapihwa nePower Giants

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KAMBANI yePower Giants Private Limited yakatanga chirongwa chekubatsira mahwindi nevatyairi vemakombi kuti vakwanise kurarama panguva ino apo makombi akambomiswa kufamba neHurumende sedanho rekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Pasi pechirongwa chePower Giants Mahwindi Covid-19 Relief Programme, kambani iyi iri kuvabatsira nezvekudya nekuvadzidzisawo mamwe mabhindauko anosanganisira zvidzidzo zvekugadzira magetsi.

VaEdzai Kachirekwa (40), avo vanova director wekambani iyi, vanoti vanobatikana zvikuru nekutambura kuri kuitwa nemamwe mahwindi panguva ino apo makombi asiri kufamba.

Chirongwa ichi chakaparurwa nemusi weChishanu wadarika mumusha weMufakose, muHarare, apo mahwindi nevatyairi vemakombi vanodarika makumi mashanu vakabatsirwa nezvekudya zvinosanganisira hupfu, mupunga, mafuta ekubikisa, sipo nenyama.

VaKachirekwa vanoti kubva mumwedzi waKurume pakatanga kuonekwa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kusvika pari zvino, mahwindi vari kutambura sezvo vasiri pabasa.

“Tine shamwari dziri kutibatsira mukuvandudza upenyu hwemahwindi nekuvapa chikafu nezvimwe zvinhu kuti vararame zvakanaka. Panguva iyo tiri kuvabatsira, tinobva tavadzidzisa tsika nehunhu hwakanaka kuti pavanozodzokera mumugwagwa vasiyane nenyaya dzavo dzekutuka vabereki nezvinyadzi nekuita zvakashata,” vanodaro VaKachirekwa.

Vanoti kunze kwekubatsira mahwindi nezvekudya, vari kuvaitisawo zvidzidzo zvekugadzira magetsi nechinangwa chekuti vakwanise kuzviriritira nemamwe mabasa.

“Isu hatina kuda kutarisa rutivi rwakaipa rwemahwindi rwekutadza uko vanoita kuvabereki, tinoziva vanotituka nezvinyadzi, kurova uye vanozivikanwa nekusageza nezvakawanda zvakaipa. Tinoda kuvandudza upenyu hwavo nekuvapa zvekuita,” vanodaro.

VaKachirekwa vanoenderera mberi: “Muchirongwa chedu chekushanyira mahwindi munyika yose, tiri kuona kuti vazhinji vavo vachiri vadiki avo vanokwanisa kudzokera kuchikoro vachizoitawo makosi. Zvose izvozvi tiri kuvatsigira uye takanangana nekubatsira mahwindi anokwana 1 000 nyika yose.”

Pachiitiko ichi, Cynthia Chirinda – anova munyori wemabhuku uye nyanzvi mumashoko ekutsiura nekuvandudza magariro everuzhinji – akatorawo mukana wekutsiura mahwandi nekuda kwekatsika kavo kekushungurudza vanhu vanozvifambira.

Makambani ari kutsigira chirongwa ichi anosanganisira Bridge Cleaners, Glaven TECH, Bellevue Abattoir Butchery, Zim Ninja Academy, KF Kudfort neBizani Media Production.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey