Uncategorized

Mahwindi oshandisa ‘plastic toilet’

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mahwindi oshandisa ‘plastic toilet’ Mamwe emapurasitiki ane tsvina yevanhu nezvigubhu zvine weti izvo zvinonzi zvinokandwa nemahwindi pamusoro pemisika inomirirwa mabhazi nemakombi muHarare.

Kwayedza

Abel Ndooka

MAHWINDI anoshevedzera makombi nemabhazi pazviteshi zviri muguta reHarare zvinosanganisira paMarket Square vanonzi vari kuitira tsvina muma”paperbag” voikanda pamusoro pezviteshi zvinomirira vanhu mabhazi kana mumigero inofamba nemvura.

Farai Mbayo

Izvi zvine njodzi kuruzhinji sezvo zvichigona kukonzeresa kunyuka kwezvirwere zvemanyoka secholera.

Kunze kwekuitira tsvina mumapurasitiki, mahwindi aya anoitirawo weti muzvigubhu izvo zvavanozokanda pamusoro pemisika inomirirwa mabhazi.

Izvi zvakabuda pamusangano uchangobva kuitwa muHarare neUnicef uyo waikukurukura pamusoro pezvinangwa zveSustainable Development Goal 6 iyo inokurudzira kuti munhu wose awaniswe mvura yekunwa neyekushandisa mamwe mabasa yakachena. Vachitaura pamusangano uyu, director wechikamu cheEnviromental Health Services mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, VaVictor Nyamandi, vanoti zvinosuwisa zvikuru kuti mahwindi ari kushandisa inonzi “plastic toilet” asi izvo zvimbuzi zviripo.

Hamton Mutemera

“Pakaita cholera paye muHarare, takaongorora kuti zviri kumbofamba sei, ndokuona kuti pachiteshi cheMarket Square vanoita zvemakombi vane katsika kekuitira tsvina mumapepa epurasitiki, vapedza voakanda pamusoro pemashedhi anomirirwa mabhazi nevanhu. Imwe yacho vanokanda mumigero yemvura yatiri kuti ichengetedzwe.

“Ipapo ndipo panobva zvirwere nekuti nhunzi dzinotakura tsvina iye dzoenda nayo kana pedyo panenge pachitengeswa chikafu, zvirwere zvotonyuka,” vanodaro.

VaNyamandi vanoti ibasa rekanzuru yeHarare uye nemakanzuru emamwe madhorobha rekuona kuti zvimbuzi zvawanda munzvimbo dzinoungana veruzhinji.

Farai Mbayo

“Mumaguta nemumadhorobha munofanirwa kuvakwa zvimbuzi zvakawanda kwete kuti vanhu vasvike pakushandisa nzira dzisiridzo pakuzvibatsira. Tikazvisiya zvichidaro, ndizvo zvimwe zvinozokonzeresa zvirwere,” vanodaro VaNyamandi.

Otaura nezviri kuitika izvi, mumwe mutyairi wemakombi anomira pachiteshi chekunaSimon Muzenda (Fourth Street) Rank, Hamton Mutemera, anoshora vane katsika kekuitira tsvina mumapurasitiki neweti muzvigubhu.

“Shuwa zviri kuitika, vanhu vanoitira kana weti chaiyo muzvigumbu kana tsvina muplastic yokandwa pose-pose. Funga kuti uchizvifambira uine munyarikani, chigubhu cheweti chotsikwa chobva chakutsatikira weti yokupinda mukanwa, hazvibude zvakanaka,” anodaro Mutemera.

Anopomera dambudziko iri kukanzuru yeHarare nekukiya kwainoita zvimbuzi zveruzhinji nenguva dza4pm panzvimbo iyi.

“Chimbuzi chinokiiwa saka vanhu vanopedzisira vave kungoitira weti netsvina pose-pose. Ndinonzwira tsitsi madzimai nekuti unoona vave kuenda kuseri uko kunozvibatsira vachifugidzana nemazambiya.

“Isu varume kana zvashata unongotsvaga chikona woita, asi handisi kuti zvinhu zvakanaka izvozvo, hazviite.

“Ukatenderera ipo pose pano, pazere netsvina uye dzimwe dzenguva unogona kuitsika uchikwira kombi,” anodaro

Mutemera.

Farai Mbayo, uyo anoona nezveutano (health inspector) kusangano rinomirira mahwindi nevatyairi vemakombi – reZimbabwe Union of Drivers and Counctors – anoti pamisika yemabhazi panofanirwa kuiswa mabhini akawanda ekurasira marara uye nezvimbuzi.

“Dambudziko hombe nderekuti hapana mabhini akawanda nezvimbuzi saka vanhu vanopedzisira vorasira marara pose-pose uye zvimbuzi zvikavharwa nekuchimbidza vanhu vanenge vabva kure vamwe vanouya vopedzisira vave kuitira tsvina mumaplastic nekuti vanenge vasina kwekuenda.

“Izvi zvakashata nekuti zvinokonzera zvirwere saka pakaiswa mabhini uye nezvimbuzi hatizvione zvichiitika,” anodaro.

Zvichakadai, mukati meguta reHarare veruzhinji vanogara vachichema-chema nekushomeka kwezvimbuzi uye kanzuru yeguta iri inoti ine hurongwa hwekuvaka zvimwe kuitira kuti veruzhinji vasatambure.

Kushomeka kwezvimbuzi uku kuri kukonzera kuti vamwe vanhu vapedzisire vave kuitira weti netsvina mumikoto.

Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti zvimbuzi zvacho zviri pazviteshi zvemabhazi sepanokwirirwa mabhazi kunaSimon Muzenda (Fourth Street) zvinovharwa nenguva dza4 kumanheru zvichiita kuti veruzhinji vaomerwe kana voda kuzvishandisa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey