‘Mai mwana muri pfambi’

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Mai mwana muri pfambi’

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUKADZi wemuHarare ari kuchema-chema achiti murume wake anomutuka zvinyadzi pane vana vavo uye anouya kubasa kwake achimutukirira pamberi pevaanoshanda navo. Edith Mazongonda akamhan’arira Raymond Mapfunde kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Anoudza mutongi wedare iri Tafadzwa Miti kuti: “Ishe wangu, baba ava vanondishungurudza zvikuru apo vanondituka pamberi pevanhu. Anoburitsa mashoko ekuti ndiri pfambi pamberi pevana.”

Anoti murume wake anouya kubasa kwake achimutukirira pamberi pevamwe vaanoshanda navo.

Mapfunde anoti haapokane nechikumbiro chemukadzi wake chekuti apihwe gwaro redziviriro.

Mutongi Miti akapa Mazongonda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey