Uncategorized

Mai tasa kwatsikamutanda Booster

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Mai tasa kwatsikamutanda Booster Ngoro yakafira Eritisia Katsamba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKADZI wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, anonzi akafa, ndokuvigwa kaverevere svondo rapera mushure mekunge anwiswa muti achinzi muteyo nen’anga inozviti Booster kana kuti Sekuru Bere.

Mapurisa emunharaunda yekwaMusami – uko tsikamutanda uyu ari kunzi ashungurudza vanhu nekuvapumha huroyi achivatorera mari neupfumi hunosanganisira zvipfuyo zvavo – vari kuti havasi kuziva nezvekufa pasina kurwara kwaMai Eritisia Katsamba (52).

Zvichitevera kuferefetwa kwenyaya iyi neKwayedza, tsikamutanda ari kunzi ndiye akapa mukadzi uyu muteyo ava kutyisidzira vatori venhau achivapomera kuti pavakaendako, vakamubira mari nenhumbi dzake dzebasa.

Kwayedza ichangobvako, Bere kana kuti Booster akatumira mashoko kumutori wenhau uno achishandisa nhamba dzenhare dzinoti +263 777 717 698 achiti, “Ndikudawo mari yawakaba 3400 mumatare angu nebag rehembe dzawakatakura nhasi ndisati ndatora matanho ndinonzi Bere or booster.”

Ari kuzviti n’anga uyu aifonera zvakare munyori uno husiku hwemusi weChipiri pakabva vatori venhau ikoko akaviga nhamba dzenhare.

Asi mapurisa paakabvunzwa nemusi weChitatu uno kuti Booster ainge amhan’ara here nyaya yekuti akabirwa nevatori venhau, vanoti hakuna nyaya yakadaro yavanoziva yati yasvika kwavari.

Mumba muri kunzi makabiwa zvinhu nevatori venhau makaonekwa muine bonde nehungwanda-ngwanda hwemishonga nezvihari uye haina gonhi asi jira.

Kune makuruku akawanda anonzi ari kufamba muZimbabwe achishandisa zita rekuti Booster apo anobira vanhu upfumi nemari kunyanya kumaruwa vachinyebera kuti in’anga.

Mumwedzi waChivabvu gore rino, Mambo Mangwende vanonzi vakaita musangano nemasabhuku kumahofisi aMudzviti weMurehwa apo vainyunyuta nekuyambira nezven’anga dzemanyepo dzinozviti anatsikamutanda mushure mekunge vaziviswa nezvekushungurudzwa kwevanhu mudunhu ravo.

Zviri kunzi Booster nechikwata chake vari kutenderera munharaunda yeMurehwa vachiti vanopumha nekuchenura misha.

Pazofa mukadzi uyu, mapurisa ekwaMurehwa anonzi anga ari mushishi kuparidza mashoko ekuchenjedza kune veruzhinji maringe nenyaya dzanatsikamutanda sezvo vachibira vanhu upfumi nekumbunyikidza vanhukadzi nenzira dzebonde, pakati pezvimwe.

MuZimbabwe, kupumha munhu huroyi nekuita hutsikamutanda hazvitenderwe nemutemo.

Mudzimai wekufa manheru emusi weMugovera wadarika ari kunzi ainge anwisa mishonga nanatsikamutanda Booster, ndokuvigwa neMuvhuro uno pasina ongororo yakaitwa nemachiremba pamutumbi wake.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaKanganise Zharima Goto, vari kuvava nezviri kuitwa nanatsikamutanda munharaunda yavo.

“Mudzimai akafa uyu akanga atorwa natete hanzvadzi yemurume anova ari mudunhu mangu anonzi Media Mandere kuti azoshandirwa naBooster uyo ari kugara pamba pake. Ini handina kumbosumwa nezvekupinda kwanaBooster muno.

“Ndakatombovapa notisi (notice) kuti vabude mudunhu mangu ivo vakaramba. Handizvidi zvachose nekuti vari kubira vanhu, hatina kana kumbonzwa nezvemunhu akarapwa navo akapora. Vari kuripwa nemombe, huku nembudzi,” vanonyunyuta Sabhuku Goto.

Vanoti vakazoshamisika kunzwa kuti mudzimai “airapwa” naBooster ashaya.

“Ndakanzwa kuti akatakurwa husiku nengoro oendeswa kumusha kwake munova mudunhu mangu zvakare mushure mekushaya ini ndichibva ndanobata maoko.”

Media Mendere (48) – uyo anonzi ndiye ari kuchengeta anaBooster pamba pake – anoti varume ava vakauya vachiti vanoshandira mumwe mwana wake akaremara uye ane pfari.

“VanaBooster ndakasangana navo kaviri ndiine mwana akaremara vakandiperekedza nekombi yavo kumba vachiti vachadzoka kuzomubatsira. Vakazouya ndokucherera hoko dzavo vachishandisa imwe imba yehuswa iri pano, saka vatova nemwedzi vari pano. Vanowanza kuuya manheru.

“Uyu muroora wangu ndakamutora kuti azoshandirwa achizvimba muviri. Anga atova nemasvondo maviri ari pano. Patakaona mweya wava kuita sewobuda, ndipo patakamuisa mungoro toenda naye kumurume wake asi takazosvika chatova chando,” anodaro.

Anoti Booster haadye muriwo wemashizha asi nyama chete uye haabve pamba pavo nenzira yekudzingwa asi kuti sekuru vari paari ndivo vanozomuudza kuti achienda.

Kwayedza haina kukwanisa kuona Booster sezvo ainzi akanga ari kushandira vanhu kurimwe bhuku rekwaMuzivi munharaunda iyoyo achimirira kupera kwemariro ari mubhuku rekwaGoto.

“Pari zvino akambomira kuridza ngoma yekudaidza vanhu nekuti anoti mune mariro saka vanhu vari kuuya vachimutsvaga ndinovatumira kwaari kurapira kwaMuzivi asi anodzoka pano manheru. Vanoshandirwa vanomupa mombe, mbudzi, hwai, huku nemari asi handizive kuti akanyoresa neZinatha here,” anodaro Mendere.

VaElias Katsamba (60), vanova murume wemushakabvu, vanoti vakashamisika kuona mutumbi wemudzimai wavo uchiunzwa pamba kuma3 kunze kwoedza neMugovera.

“Mudzimai wangu airwara neBP saka ainwa mapiritsi ndobva azotorwa nehanzvadzi yangu. Booster akauya pano akati mune nyoka mupiro nekuti mushonga wenyu wamakashandisa mukugadzira mudzimai kuti asaite zvikomba ndiwo wakapanduka kuita nyoka.

“Handina kupokana naye nekuti iniwo mishonga ndaimbobata-bata asi kusaiziva kuti ndeupi wacho nekuti chandaida kuti mudzimai wangu arapwe. Booster akapinda mubhedhuru mangu akaburitsa yaaiti inyoka yerudzi rwemhungu ndikamuripa nembudzi,” vanodaro.

Kune n’anga nemaporofita vemanyepo vanonzi vanoisira vanhu nyoka mudzimba dzavo vozovanyebera kuti vawana dzirimo.

“Booster ndiye akati ndiunze mudzimai wangu amunamatire nekuti aiti anomuporesa. Akamupa mushonga wekuchaya akachaya zvikuru tikafunga kuti paanopedza anopora asi muviri wake wakaramba uchizvimba kusvika aozunzwa chava chitunha,” vanodaro.

Vanoti vakagadzwa dare nemadzitezvara avo ndokuripiswa nenyaya iyi.

Svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yevamwe vanatsikamutanda avo vakazopfochomeswa neruzhinji kuGokwe mushure mekunge vabatikidzwa vachikanda nyoka yemungu mumba yevanhu vavainyebera kubatsira.

Zvichakadai, Sekuru Friday Chisanyu vanova sachigaro wesangano rinonyoresa varapi vechivanhu nevemachechi, reTraditional Medical Practioner’s Counci (TMPC), vanoti n’anga haifanire kurapira pamba pevanhu uye imhosva huru kufamba uchipumha vanhu huroyi nekuvatorera pfuma yavo.

“Kuva tsikamutanda itori mhosva saka Booster atori musungwa wedu watiri kutsvaga,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza vanoti, “Hatisati taziviswa nezvekufa kwemunhu wekunzvimbo iyoyo. Kana munhu akafa zvisina tsarukano, chitunha chake hachingovigwi pasina ongororo yemapurisa. Saka kana pakadai, zvinoreva kuti mutumbi unofanirwa kufukunurwa, poitwa ongororo yezvakakonzera kufa kwake.

“Tinotenda Kwayedza nekutizivisa nekuti tave kutotanga kuongorora nyaya iyi.”

Share This:

Sponsored Links