Mai TT ony’ura muzvikwereti

14 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Mai TT ony’ura muzvikwereti MAI TT

Kwayedza

Talent Mahanya

FELISTAS “Mai TT” Murata ari kuvimbisa vanhu kuti achabhadhara zvikwereti zvaanazvo.

Anoti vanhu vaaine zvikwereti navo vari kugadzira mapeji epaFacebook ekunyepa ayo avari kushandisa kubvunza mari dzavo.

“Ndinoziva kuti ndine vanhu vandiine zvikwereti navo, handisati ndabhadhara vanhu vose.

“Ndakumbira ndinzwirei ngoni, handisi kuwana mari zhinji semafungiro amuri kuita.

“Vamwe venyu munofunga kuti ndine mamiriyoni, asi handizvo.

“Yandiri kushandira ndiri kungobhadhara, mukandiona ndakachena handisi kuzvispoila, ndiri kutospoilwao,” anodaro Mai TT.

Anoti ari kuchengeta mari yekubhadhara zvikwereti.

“Sendi rese randinenge ndawana kuno, ndiri kukamura kuvanhu vandinenge ndakwanisa.

“Ndoona vamwe vachiuya kuzoposter kumaghost sema hidey, ndinozviziva kuti ndine zvikwereti.

“Musatye handina kwandinotizira kuuya kuno kutoshandira imimi.

Mai TT

“Ndipeiwo nguva mese ndinokubhadharai, vamwe vazhinji ndakambozama ndosaka ndiri kugadzirisa kuitira pandodzoka.

“Handidi kuve neanoti ndine chikwereti chake”.

Mai TT anoti mari yekufamba kwaari kuita ichabatsira kubhadhara zvikwereti.

“Handisi kuzorora, ndiri kuedza nepandinogona.

“Kufamba haisi luxury, kushanda kuti zviite.

“Mirai mbichana, ndiripo.

“Kuuya nemasuitcase four kuno ndange ndiri kuedza kuti ndisazongotenga zvinhu zvisina basa nekuti ndinoziva kuti sendi rese randichawana, rinofanirwa kubhadhara mumwe munhu,” anodaro Mai TT.

Share This:

Sponsored Links