Mai veRuwadzano vakarasa mwana muchimbuzi

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mai veRuwadzano vakarasa mwana muchimbuzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANA ane mwedzi mitanhatu yekuberekwa akanunurwa ari mupenyu mushure mekuita mazuva matatu akandwa muchimbuzi chiri pachechi naamai vake kuChiwenga, kwaMambo Kasekete, kuMuzarabani.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Province, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti mwana uyu ari kubatsirwa namachiremba aina amai vake avo vakachengetedzwa nemapurisa vari muhusungwa.

Mwana uyu anonzi akakandwa naamai vake muchimbuzi chepachechi yeSalvation Army iri kuChenguruve.

“Tine amai vanobva mubhuku reChenguruve avo vakaenda kuchechi yavanopinda yeSalvation Army vaine mwana wavo ane mwedzi mitanhatu yekuberekwa uyo vakanokanda muchimbuzi nechinangwa chekuda kumuuraya. Mwana uyu anonzi akakandwa musi wa11 Kurume ndokuzonyururwa mutsvina nemusi wa14 ari mupenyu.

“Iko zvino mwana uyu ari kurapwa kuchipatara cheSt Alberts aina amai vake vanova musungwa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Fungai Mwenda – uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa – anonzi akakanda mwana wake musikana muchimbuzi mushure mekunge anetsana nemurume uyo ari kuti mwana uyu haazi wake.

Mudzimai uyu anonzi akaroorana naTongai Katsande (25) vachigara vose mumusha mumwe chete.

“Vaviri ava vanonzi vaigara vachipopotedzana, murume achiti handiye baba vemwana uyu. Amai ava vakazoenda kuchechi kwavo uko vanonzi vakanokanda mwana uyu muchimbuzi.

“Mukadzi uyu akazodzokera kumba asina mwana uko akasvikobvunzwa nemurume nezvemwana uyu iye ndokutadza kupa tsananguro yaigutsa zvikazoita kuti murume azonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuChiwenga nemusi wa13 Kurume,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mudzimai uyu anonzi akazosungwa ndokubvunzurudzwa apo akadura kuti aiva akanda mwana uyu muchimbuzi nekuda kwekushungurudzwa nemurume wake achiti mwana uyu handi wake.

“Mapurisa nevagari vekuChiwenga vakazonoratidzwa muchimbuzi mainge makandwa kasvava aka ndokukaburitsa kubva mutsvina kari kapenyu.

‘‘Mwana akatanga kuendeswa pakiriniki yekuChiwenga ndokuzodarikidzwa kuchipatara cheSt Alberts uko ari kurapwa amai vacho vakachengetedzwa nemapurisa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mudzimai uyu achaendeswa kumatare edzimhosva onotarisana nemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuuraya mwana nekumurasa.

Asst Insp Masikati vanokurudzira vabereki, kunyanya madzimai, kuti kana vakanetsana zvakadii nevarume vavo, havafanirwe kurasa vana sezvo kuita izvi iri mhosva huru.

“Kunetsana kwedu sevabereki hakufanirwe kusvika pakuzotambudza vana uyewo kana paine zvinonetsa, tsvagai vayananisi pane kutukana nekurwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>