Uncategorized

Mai voruma mwana

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mai voruma mwana

Kwayedza

. . . vachimunwa ropa . . . angova maronda

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki anogara mumusha weWhitecliffe South, muHarare, ari kureurura kuti kana shavi rake ramubata, anoruma mwana wake chindumurwa zvose nababa vacho — murume wake — vose achivadzidziura mazironda ayo anoyamwa ropa “rinonaka”.

Mwana achiri kubatwa pamakumbo uyu anotova nemazironda anotyisa ayo asiri kupora ekurumwa naamai vake, uye mukadzi uyu anonzi kana zvake zvamuinga, hapana anomudzivisa kudzimara atopedza kuruma nekuyamwa ropa.

Kunze kwekuruma mwana zvose nemurume wake, mukadzi uyu anodura kuti anoruma zvakare babamudiki — munin’ina wemurume wake — avo vakatozopunyuka nekubva pamba pavaigara vose.

Magarate Chirwa (20), anova mudzimai waFarai Chakavarika (36), anotizve nguva dzakawanda anorota achienda kumarinda nevamwe vanhu uko vanonovhura makuva vachitora nyama yezvitunha iyo yavanobvubvudzana kudya.

Chirwa anoudza Kwayedza asina kana ganda kumeso kuti anoruma mwana wake musikana ane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa uyewo kuti kana murume wake ari panyatwa.

Ronda rekurumwa

“Izvi zvinoitika ndisingazive, ndakasvikirwa neshavi. Handizive zvizhinji zvinoitika panyaya iyi asi ndinozoita zvekutaurirwa ndave kutoita sekunge ndiri kubva kuhope.

“Asi handirambe kuti ndine shavi rehuroyi, ndinotodawo kubatsirwa kuti shavi iri ribviswe pandiri,” anodaro.

Mudzimai uyu — uyo kumusha anobva mubhuku raMupozvori, kwaMambo Hozheri, kuSanyati — anoti haazive kuti dambudziko iri rakatanga sei.

Anoti vabereki vake vapenyu uye havana zvavakambomuudza nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakambopepuka kubva mukusvikirwa ndakaunganirwa nevanhu ndichinzi ndairuma mwana wangu ndikatomukuvadza ruwoko. Izvozvi mwana uyu anova iye oga ane ronda guru pagumbo rekuruboshwe iro rakangotanga roga asi risiri kupora zvakonzera kuremara kwegumbo racho,” anodaro.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vane fungidziro huru yekuti ronda rine mwana uyu ndere kurumwa naamai vake.

Bridget Muchengwa (20), uyo anova mukadzin’ina — mudzimai wemunin’ina wemurume waChirwa — anoti akawanikidza amaiguru vake ava vachiruma mwana mawoko ose achiti vairatidza kusaziva zvavaiita.

VaRodrick Chakavarika – Mifananidzo naEdward Zvemisha

“Ndakanzwa mwana uyu achichema zvikuru apo ndaibva kumunda. Ndakabvisa maslipers andaiva ndakapfeka ndokunyahwaira ndikanodongorera mumba apo ndakawana amaiguru vachidzvova nekuchema vachiruma mwana uyu ruwoko, iko kamwana kachizhamba vakakaisa mawoko mukanwa. Vaitobuda rute.

“Nekutya, ndakadzokera nemadududu ndokunoshevedza vamwe vavakidzani avo vakauya vakawana vachingomuruma chete. Pavakazorega vaingorwerwa rute,” anodaro Muchengwa.

Anoti amaiguru vake vakazotanga kupukuta rute pamuromo vanhu vaungana vachiti vaisaziva zvaiitika kwavari.

“Amaiguru vakatanga kuruma munhu vanoita chipanera chaicho — njanji — hamuvagone kuvabvisa pane chinhu chavanenge vakaruma. Munotokumbira kumweya unenge wakasvika pavari kuti varegere. Pasina izvozvo munhu anorumwa akatofa,” anodaro Muchengwa.

Bridget Muchengwa

Anoenderera mberi achiti, “Rimwe zuva gumbo remwana uyu rine ronda iri rakaputika imba yose ikazara ropa zvikashamisa vanhu. Hatizive kwatinobva kwakasiyana, asi amaiguru vanosvikirwa nemweya watisingazive kuti ndewemudzimu here kana kuti chii.

“Zvekuti vanorota vari kumakuva vanozvitaura. Vakatanga kuruma murume wavo, babamukuru, tose tinozvishairwa pazvo.” Vamwene vaChirwa, Mai Easther Chigodora (59), vanotsinhira dambudziko rine muroora wavo vachiti: “Hongu muzukuru wangu mwana waFarai anova dangwe rake uyo waakaita nemudzimai wake Magarate uyu anorumwa naamai vake. Hatichaziva kuti ronda riri pagumbo rake iro risingapore kurumwa naamai vacho here.

“Ini ndinoda kuti muroora wangu kana riri shavi ribviswe uyewo muzukuru wangu orapwa maronda aya apore.”

Vanoti kwavanofamba vanonzi muroora wavo akaberekeswa shavi rinoita kuti amuke izvo anoita asingazive.

Sekuru Elisha Mutanga

“Takamboenda kune mumwe muporofita tikanzi aida kudya mwana wake kunova kuuraya uye takaramba tichibatsirwa kusvika zvaita nani,” vanodaro.

VaRodrick Chakavarika (70) tezvara vaChirwa vanoti dambudziko rine muroora wavo vanoritora seremhuri nekudaro vari kutsvaga rubatsiro.

“Ndakanzwa muroora wangu mudiki achiti akawanikidza maiguru vake vachiruma mwana vachiratidza kuti vakasvikirwa. Mwana wake ane ronda risingapore – hombe. Hamheno kuti nderekurumwa here kana kuti kutangawo roga. Mwana atoremara gumbo uyu.

“Mwanakomana wangu anoda mukadzi wake saka tinoti vanoda kubatsirwa, haisi nyaya yekutukana kana kushorana,” vanodaro.

Mai Easther Chigodora

Mumwe anonzi ane mavanga ekurumwa naChirwa muramu wake Herbert Chakavarika, uyo anonzi ave kushanda kuNyanga.

Farai Chakavarika anova murume waChirwa haana kuonekwa neKwayedza kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo ainzi akanga aenda kubasa.

Vopa mafungiro avo panyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti mudzimai uyu ane shavi rehuroyi.

“Zvinoratidza kuti shavi iri harina kusimbiswa saka richiita zvinhu zvinoonekwa neruzhinji. Mwana ari kunzi ari kurumwa uyu angadai akafa asi midzimu yekumusha kwake iri kurwisa,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0774 431 334, 0776 975 501 ne0782 896 032.

Share This:

Sponsored Links