Uncategorized

‘Maimwana ndarota muine chikomba’

03 Dec, 2021 - 20:12 0 Views
‘Maimwana ndarota muine chikomba’

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUNYAYA inoita kunge firimu asi iri yechokwadi, mudzimai wekuNtabazinduna, kuMatabeleland North – uyo ari kupomerwa kubatsirana nechikomba chake kushungurudza murume wake – anoti murume wake ndiye akatanga kuita gumbo mumba gumbo kunze mushure mekunge arota mukadzi uyu achiitawo zvechipfambi.

Apolonia Mushayavanhu anoti murume wake Joachim Mushayavanhu haana kutendeka muwanano yavo uye anogara achimushungurudza.

Anoti Joachim akatanga kumushungurudza mushure mekunge apepuka kuhope achiti aive neidi rekuti ari kuita zvezvikomba mushure mekunge azvirota.

Apolonia akataura mashoko aya mushure mekunge murume wake audza Kwayedza svondo rapera kuti anogara achimurikita sechirango chekuti akafumura nyaya yekudanana kwake nechikomba icho chinove mumwe wevakuru vemapurisa pakamba yeNtabazinduna Training Depot (zita tinaro) kwemakore 10.

Apolonia Mushayavanhu

“Mudzimai wangu ari kuita gumbo mumba gumbo kunze nemumwe mukuru wemapurisa uye anogara achindirova mushure mekufumura kwandakaita nyaya iyi. Vanochairana nhare ini ndiripo uye dzimwe nguva mupurisa uyu anotouya kumba kwedu achizomutora nemotokari.

“Pose paanondirova, handimudzosere nekuti anoda kuti zviite sekunge iye ndiye atadzirwa,” anodaro Joachim achiratidza kupererwa.

Anoti mupurisa uyu anogara achimuudza kuti mudzimai uyu mukadzi wake uye anofanirwa kukanganwa nezvake.

“Handichaziva kuti iyi ichiri wanano here kana kuti yave nhandare yekurwisana. Kushungurudzwa kwose uku inzira yekundipfidzisa,” anodaro.

“Pose patinonetsana nemudzimai wangu, anochaira nhare chikomba chake icho chinotuma mapurisa vouya kuzondirova,” anodaro.

Joachim anoti chaita kuti abude pachena nenyaya iyi ndechekuti mudzimai wake aida kumuuraya kuburikidza nekumutema nedemo nemusi wa6 Gumiguru.

Apolonia, uyo svondo rapera anotaridza sekuti akakata nhare yake paakachairwa nemunyori uno, anoti murume wake ari kunyepa.

“Handina kukata pamakachaya nhare, yaive nyaya yekusashanda zvakanaka kwemasaisai. Hachizi chokwadi kuti ndiri kuita gumbo mumba gumbo kunze uye kwemakore 38 atagara muwanano, handina kumbobvira ndaita chehupombwe.

“Mukuru wemapurisa anonzi ndinodanana naye, anotori shamwari yemhuri uye mudzimai wake uyo anove mushakabvu aive mukoma wangu.

“Joachim ndiye ari kuita gumbo mumba gumbo kunze achiti anoda mudzimai wechidiki. Paakange asati auya kubepanhau renyu, aigara achindityisidzira achiti anoda kundipfidzisa uye pamakaburitsa nyaya yekutanga akapemberera achiti zvaaida zvaitika,” anodaro Apolonia.

Anoenderera mberi achiti, “Akatanga kundishungurudza mushure mekunge apepuka kubva kuhope rimwe zuva achiti akange arota ndichiita gumbo mumba gumbo kunze. Mukurota kwake, anoti akaratidzwa mufananidzo wemupurisa uyu waanoti ndinodanana naye.”

Apolonia anoti akatorera murume wake gwaro redziviriro masvondo matatu adarika nekuti akange ave kutyira upenyu hwake.

“Ave kuzvibikira nekuwacha achiti handifanire kumubikira kana kuwacha mbatya dzake nekuti ndine chikomba kureva mupurisa uyu,” anodaro Apolonia.

Joachim, zvisinei, ari kusimbisisa kuti mudzimai wake ane chikomba.

Share This:

Sponsored Links