Uncategorized

‘Mainini vanotswinya tuvana’

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME wekuzama noto nekuda kutora vana vake nechisimba avo vari kuchengetwa nemuramu wake, uyo waanoti ipfambi yemakoko, akaendeswa kudare uko kwakanobuda nyaya yekuti pose vana ava pavanoenda kumba kwake vanoshungurudzwa vachitswinywa nemukadzi wake mutsva.Linda Dandajena akadhonzera Never Pendekale kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Changamire, ini ndashaya mufaro nemurume uyu. Anouya kumba kwandinoroja nevana achitifurushusha. Kubva zvakafa mukoma wangu achisiya vana ava vari vadiki, hapana kana musi waakambouya nechibande chesipo chaicho kana sendi rekutenga matomatisi asi nhasi ava kuti anoda vana. “Iko zvino vana ava vava Form 3, ndini ndinovaitira zvose kubva kuhembe dzekuchikoro, mabhuku nechikafu. Haatendi basa randinoita pavana ivava. Chaanogona kuuya kumba ondirova achiita ruzha pandinoroja zvekuti tava kutopihwa notice kuti titame nekuda kwake,” akadaro Dandajena.

Akati Pendekale vana vacho vaanochemera haakwanise kuvachengeta. “Vakaenda kwababa vavo kuweekend vanodzoka vachichema nekusabatwa zvakanaka kwavanoitwa nemudzimai wake. Musikana mukuru akatouya akamarika mazamu nekutswinywa kwaanoitwa namainini vavo. Vanovarova nekuvanyima chikafu zvekuti havachatodi kuendako. “Vanondipomera mhosva yekuti ndiri pfambi uye handikodzeri kugara nevana vavo ini ndirini ndavachengeta kusvika pavari nhasi. Handizivi kuti makore ose aya chazoshata nhasi chii pakuchengeta kwangu vana ava.”

Achipawo divi rake, Pendekale akati haadi kuti Dandajena achengete vana vake nekuda kwemabasa ake echipfambi, nekudaro vana ava vanogona kuzodzidza hunhu hwakaipa kubva kwaari.

“Ndakanga ndati nditore vana ndichengete sezvo mukadzi uyu iri pfambi. Anopinda mumba pakati pehusiku kana mambakwedza. Ndinomuona nguva zhinji ari kubhawa achitsvaga mari nguva dzisingaiti, saka vana vanenge vanani?

“Nguva yadarika ndakasangana nemwanasikana wangu achifamba munzira manheru ndikamurova kuti aiitei panze husiku hwakadaro. Handiti ndidzo mviro-mviro dzehupfambi idzodzo? Vana vanongomberereka nenyika zvisina maturo. Zvinotova nani kuti ndirere vana ndoga pane kuti vagare nemukadzi iyeyu nemahumbwe aanoita iwaya,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaDandajena akati vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links