Majeke azviita zvakare

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Majeke azviita zvakare Herbert Majeke

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI mumusambo weSungura, Herbert Majeke (34), akabura dambarefu idzva rinonzi “Zivai Nhumbi” iro riri pamusoro pekukosha kwekuziva nhumbi dzekupfeka pazviitiko kana kuti makungano akasiyana-siyana.

Muhurukuro neKwayedza, Majeke anoti akarota nezvedambarefu iri musi wa15 Gumiguru gore rapera apo akanga ari kutsi kwehope achibva amuka pakarepo kuma3am ndokutangisa kurwunyora pasi.

“Kana zviya tichinorara hazvirevi kuti tinofanira kubva tangokanganwa zvinhu zvese asi ndiyo nguva iyo njere dzinotangawo kushanda dzichifunga remangwana.

Pazuva iri ndakange ndirere ndokutanga kuona pfungwa yehembe ichitenderera mundangariro mangu.

Ndakabva ndatora nharembozha yangu ndokunyora zvese zvaiuya maringe nemapfekero edu sevanhu vatema.

Ndakaunganidza pfungwa dzose dzaiuya kusvika ndapedzisira ndava kutokwenya magitare ndichiimba kureva kuti kwakazosara kuedza basa rese ndapedza nekuti ndinoita zvese kunyora, kutsikisa mimhanzi nekuimba zvekare,” anodaro.

Majeke anoti chipo chake chekuimba chakabvira achiri mudiki kwazvo achiita dzidzo yake yepuraimari paZengeza 5 Primary, kuChitungwiza.

“Vaimbi vakadai sanaAlick Macheso naMechanic Manyeruke ndaitoita tsika-nditsike navo kubva ndichiri mudiki nekuti ndaifarira mabasa ekuimba avanoita. Ndinoridza zvekare marimba zvekuti ndakatombowaniswa zvitupa zvisinei nekuti handina kumbobvira ndakaenda kuchikoro chezvekuimba, chipo ichi chakangoramba chichiumbika mandiri,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakabura madambarefu anodarika gumi mamwe acho atori pamakaseti ekudhara aya. Ndine chipo chekuridza magitare ese uye ndakamboimba naVaManyeruke ndikadzidza zvakawanda kwavari maringe nenyaya yemimhanzi. Nziyo dzangu dzakambovhoterwa muTop 20,” anodaro.

Anoti padambarefu rake – Zivai Nhumbi – anenge achitaura pamusoro pekuti vanhu vazive mhando dzembatya dzavanopfeka pazviitiko zvakasiyana-siyana.

“Ndakaona kuti nhumbi chinhu chakakosha zvikuru nekuti dzinoita kuti tikwanise kuziva kuti munhu anoita nezvei.

Semuenzaniso, murindi wekambani anoonekwa nembatya dzake zvekuti hazvizodi kuti upedze nguva uchiedza kuziva kuti ndiyani. Masoja, mapurisa nemanesi vane mbatya dzavo dzinoratidza basa ravo saka nhumbi dzakakosha.

Asika, kune dzimwe nhumbi dzava kupfekwa nevanhu zvekuti unoshaya kuti ndiyani uye anoita nezvei apo vanopfeka mbatya dzekutuhwinha kana kudhigidha ivo vachienda kumabasa kana kupinda mudhorobha mune ruzhinji,” anodaro.

Rimwe dambarefu raakatsikisa rinonzi Kachipunu mugore ra2016 iro rakaona achiwaniswa zvibodzwa (special mention) pasi pechirongwa cheCari Cole Music Scholarship iri kuUnited States.

Vaimbi vakasarudzwa muchikwata ichi vaiwaniswa mari yekuti vakwanise kunodzidziswa  nezvekuimba saka iye nevamwe vaimbi gumi nevashanu vakaita mhanza.

Mamwe madambarefu aakabura anosanganisira Tashinga (2011), Kugara Kunzwanana naHuruyadzo (2014) naKutsvaga Muriwo (2018).

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>