Majekiseni ava pedyo nevanhu

08 Apr, 2021 - 15:04 0 Views
Majekiseni ava pedyo nevanhu Michael Chideme

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAMWE vagari vemuguta reHarare vari kupembedza danho rakatorwa nekanzuru rekuti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 chipararire neguta iri vachiti izvi zviri kubatsira mukuderedza kudhurirwa pakufamba uye kuungana kwevanhu.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vakazivisa nezvemakiriniki nezvipatara zviri munharaunda dzakasiyana muguta reHarare uko veruzhinji vanokwanisa kuenda kunobaiwa majekiseni aya.

“Takatora danho rekuti vanhu vakwanise kunobaiwa majekiseni vari munzvimbo dzavo kuitira kuti tideredze dambudziko rekuungana kwaiita vanhu muzvipatara zvishoma zvaipa rubatsiro urwu pachena. Tinovimba vanhu vachaenda kunobaiwa vachitevedza matanho ose akatarwa nesangano reWorld Health Organisation sekuregedza kuungana, kupfeka mamasiki avo nekugeza maoko nguva nenguva kuti tirwise chirwere cheCovid-19.

“Tinovimba kana tikabatana tichakunda denda iri,” vanodaro VaChideme.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine nhamba dzehotline idzo vanhu vanokwanisa kutiridzira dzinoti 0242-774141-3 kana 0242-753330-2. Tinokurudzira vanhu vose vane makore 18 zvichienda kumberi kuti vashandise mukana uyu vaende kunobaiwa kusanganisira vashandi vepamberi, vakwegura, vane zvirwere zvinoda kugara zvichirapwa nguva nenguva, vashandi vemuzvikoro uye vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika.

“Nzvimbo idzi dzichange dzakavhurwa nguva dzinotangwa nekupedzwa mabasa kusanganisira pakati pemazuva uye pamazuva ezororo.”

Vamwe vagari vemuHarare vakaita hurukuro neKwayedza vanorumbidza zvikuru danho rakatorwa nekanzuru iri.

“Nekukwira kuri kuita mafuta ezvekufambisa, ndinovimba kuti zvichatirerukira, vazhinji vari kutofamba netsoka kuenda pamakiriniki avo kunobaiwa,” anodaro Edinah Zibwowa wekuWaterfalls.

Muzvare Tendai Gwarazimba vekuSunningdale 2 anoti kubairwa majekiseni pamakiriniki ari padyo kwakakosha nekuti munhu anogona kufambira zvakawanda panguva imwe chete sekurapwa zvimwe zvirwere obva abaiwa zvekare.

Zvipatara nemakiriniki makumi maviri nezvina izvo veruzhinji vanogona kunobaiwa ndezvinotevera: Parirenyatwa Central Hospital, Mbare Polyclinic, Sunningdale Satellite, Hatfield Satellite, Highfields Polyclinic, Southerton Satellite neMufakose Polyclinic.

Zvimwe ndezvinoti Kuwadzana Satellite, Kuwadzana Polyclinic, Warren Park Polyclinic, Kambuzuma Polyclinic, Malbereign Satellite, Marlborough Satellite, Avondale Satellite, Belvedere Satellite, Mt Pleasant Satellite, Hatfield Polyclinic, Borrowdale Satellite, Highlands FHS, Mabvuku Satellite, Greendale FHS, Eastlea FHS, Wilkins Hospital uye Sally Mugabe Central Hospital.

Share This:

Sponsored Links