‘Majekiseni aya haana njodzi’

04 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
‘Majekiseni aya  haana njodzi’ Kubaiwa majekiseni

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike

VANHU 96 bedzi ndivo vaita matambudziko ari pakati nepakati kana kuti akati kurei mushure mekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 pavanhu 5 miriyoni vabaiwa majekiseni aya kusvika pari zvino kubvira patanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.

Nyanzvi dzezveutano idzo dziri kuita ongororo yendufu dzevanhu vaviri avo vanonzi vakarwara mushure mukubaiwa majekiseni apo dzimwe ndufu mbiri dzainzi dzakakonzerwa nekubaiwa nhomba idzi dzakaonekwa kuti hadzinei nekubaiwa kwakaitwa vashakabvu ava majekiseni iwaya.

Sangano reMedicine Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rinoti vanhu vazhinji vachangobva kubaiwa nhomba idzi vanogona kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kuneta nezvimwe zvisina njodzi kuutano hwavo.

Vezveutano vanoti munhu anozonzi aiita zvigozherwa zvakanyanya pautano hwake mushure mekubaiwa nhomba idzi ndeuyo ane zviratidzo zvinoita kuti apedzisire aenda kuchipatara kana kufa.

VaShingai Gwatidzo, avo vanova MCAZ projects and public relations officer, vanoti vashoma vari kuita matambudziko pautano hwavo mushure mekubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Pavanhu 3,06 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ne2,30 miriyoni vabaiwa echipiri (2nd dose), sangano redu rakatambira nyaya 96 dzevanhu vanonzi vakaita matambudziko,” vanodaro.

“Vakawanda vacho vakange vasina matambudziko akanyanya uye zviratidzo zvacho zvaindererana nezvinotarisirwa kuti zvinogona kuitika nevakagadzira mushonga wenhomba idzi izvo zvinoti kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kuvhara kwemhuno, kuhetsura, kuita tumapundu (rash) kurwadziwa nepahuro, kuyerera dzihwa pamhuno, kurwadziwa panzvimbo yabaiwa jekiseni, kurwadziwa neruwoko rwabaiwa uye marwadzo epadundundu,” vanodaro.

Vanoti pane nyaya dzevanhu vashoma vakaita matambudziko akati kurei mushure mekubaiwa nhomba idzi kusanganisira yekuoma mitezo yemuviri.

VaGwatidzo vanoti chikamu che70 percent chevanhu vakaita matambudziko mushure mekubaiwa, ndevakabaiwa nhomba yemhando yeSinopharm vaccine apo 25 percent ndevakabaiwa Sinovac vaccine kuchitiwo imwe mhando yacho haina kudomwa.

“Sangano redu rakatambira nyaya ina dzevanhu vaifungidzirwa kuti vakafa mushure mekubaiwa nhomba,” vanodaro VaGwatidzo.

“Panyaya mbiri, zvakaonekwa kuti zvakangoitikawo kuti vakafa mushure mekubaiwa uye hapana umboo hunoratidza kuti ndufu idzi dzakakonzerwa nekubaiwa kwakaitwa vanhu ivava majekiseni.”

VaGwatidzo vanoti pane dzimwe ndufu mbiri, sangano ravo rakamirira vanachiremba kuti vaite ongororo yekuona kuti vanhu ava vakafa nei.

Vanoti kana mhando yemushonga unodzivirira chirwere cheCovid-19 ikaratidza kuti iri kukanganisa utano hwevanhu, MCAZ inoita kuti mushonga iwoyo usashandiswe.

Zimbabwe pari zvino iri kubaya vanhu majekiseni emhando dzinoti Sinopharm, Sinovac, Covaxin, Sputinik V neJohnson and Johnson idzo dzose dzakapihwa mvumo nesangano reMCAZ kuti dzishandiswe munyika muno.

VaGwatidzo vanokurudzira veruzhinji kuti vazivise vezveutano kana vasangana nematambudziko mushure mekubaiwa nhomba idzi.

Zimbabwe iri pakati penyika 13 dzemuAfrica dzazadzikisa tarisiro yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) yekuti chikamu che10 percent chevanhu vose vari munyika vange vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 pakupera kwaGunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>