Uncategorized

Makadii mabhishopu echechi dzezvekudya?

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
MUMWE mukuru akati anakirwa nedoro, akaimba chimbo chekurumbidza achiti:

Doro unonaka kudarika mukaka

Ndibereke ini kacheche kako.

Doro handizive kuti ndokutsvoda here,

Kana kuti ndochata newe.

Dai uri imba, dai uri hotera.

Doro rine vatsigiri vakawanda kudarika Man U, Arsenal, Man City kana Liverpool. Asi sei doro richitonga zvekusvitsa vanhu pakuchema kana vachinge vadhakwa?

Kana vadhakwa, vamwe vanofamba vachitatarika kunge kamhuru kemombe kachangobva mukuzvarwa. Vamwewo ndivo vanoti kana vaona kuti kumira kana kufamba kwaramba, vanokambaira sekamba iri kukwira churu.

Asi mukombe wekudhakwa zvekuremerwa seshato yamedza nzou unotorwa nevaye vanoti kana vadhakwa vobva vabheuka njere kufanana nepoto yatsvedza papfihwa ikarasa zvose zvanga zvichibikwa, ichibva yadzima moto.

Tatarisana nayo zvakare nguva yeKirisimasi – nguva yekupemberera kupera kwegore nekuzvarwa kwaJesu. Asi chinonyanya kufadza vazhinji pamhemberero dzedu idoro nekudhakwa kudarika zvekuzvarwa kwaJesu. Asi Jesu akazvarwa kuti ukunde kudzedzereka uchidonhera mumadhaka.

Kirisimasi inguva inogona kukanganisika zvinhu zvakawanda – kunyanya zvine chekuita nekudya nekunwa. Vazhinji vedu vari kuchengeta huku, mbudzi, mombe nenguruve dzekuti vazodya paKirisimasi.

Varikowo vamwe vanotozivikanwa nehama kuti vakashanya vanodya nekunwa pungwe kusvika kwati ngwee!

Tiri vanhu vanoda zvekudya. Pakudya ndipo pane kusasimba kwevakawanda. Variko vanozivikanwa kuti ndivo mabhishopu echechi dzezvekudya.

Zvino chirungu chakauya nemamhepo. Zvitoro munguva ino zvinotangawo kuita mashiripiti ekutengesa zvinotapira nezvijurutsarute zvekuti vazhinji tinoita zvifeve zvechikafu. Vamwe vedu tine mazita atakatopihwa nekuda kwekudya.

Asi kudya kunofanira kuti kutibata huro, kugotikwekweredza, nekutiputanidza zvekusara tafanana nebhanana ramenywa kudaro here?

Ndinoziva kuti kana tiri mumutauro wechiShona tinobva tati munhu anokara, asingazvidzore pane zvekudya, “ane mukanwa.”

Asi unombozvibvunzawo here paye paunenge uri kure nechikafu kuti ko ukaregedza kuita bhini rezvekudya unoita sei? Kunyatsoti pamabiko, “Ndiisirei zvenyu nyama imwe chete.”

Kushevedzerwa doro neshamwari yako, iwe wobva wati andanwa maviri akwana.

Asi ndakaona kuti vazhinji vedu hatidi zvedu kubvuma, asi tinoita hurukuro nezvekudya. Ipo paye munhu paari kuziva kuti aguta, asi achiona kuti pauya imwe ndiro ine zvekudya, unonzwa munhu achiti, “Nyama yakangwa zvinodambura gitare repfungwa dzangu mhani. Ndaguta, asi rega ndingodya kadiki.”

Kana tichinge tadya nekudyisa, pamwe pacho tichasara tave kurwara kana kunyadzisa vamwe vedu. Asi mhandu ndiani kana takatarisa nyaya yekudya nemabiko enguva dzinenge Kirisimasi? Mhandu haisi zvekudya kana vabika kana poto dzabikirwa. Mhandu tisu tinobvuma kubatwa neshavi remukanwa. Kudya chipo chatakapihwa neMwari kuti kana tadya tikaguta tirege kukanganwa Mwari.

Mwari vaigona kungoti vanhu tifure huswa nekunwa mvura semombe. Asi nekuti Mwari vanotida, vakatipa zvekudya zvakasiyana-siyana uye zvinowanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana zvichibikwa zvakasiyana-siyanawo.

Kuwanda kwezvekudya nekusiyana-siyana kwazvo kunoratidza kuti Mwari vanoda kuti tidye, asi kwete kuti tinamate kana kunamatira pane zvatinodya.

Panguva yeKirisimai yatatarisana nayo, panguva yekuitwa kwemabiko ekupera kwegore, ngatidyei tichiziva kuti miviri yedu haisi mabhazi ekuti titutire chikafu kusvikira chimwe chisisina pekugara.

Ngatidyei nekunwa, asi tisakanganwe kuti hupenyu hausi zvekudya kana zvekunwa chete. Musakanganwe kuti Satani akanga aripowo pachirayiro chaJesu, asi nechinangwa chekuuraya.

Share This:

Sponsored Links