Makambani 37 orima mbanje

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Makambani 37 orima mbanje VaHaritatos

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS
HURUMENDE yakapa bvumo kumakambani 37 emuno neekunze kuti ange achirima mbanje yekushandisa mukugadzira zvakadai semishonga inorapa zvirwere zvakasiyana. Izvi zvinotevera chisungo chakaitwa neHurumende gore rapera chekuti mbanje inge ichirimwa zviri pamutemo.

Mutevedzeri wegurukota reminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva VaVangelis Haritatos vanoti Hurumende yakatambira matsamba anodarika 200 kubva kumakambani emuno neekunze kwenyika anoda kuita basa rekurima mbanje.

Vakataura mashoko aya apo vaitaura nanachamangwiza vemakambani akasiyana pamusangano we6th Africa Round Table Forum wakaitwa kuVictoria Falls svondo rapera.

VaHaritatos vanoti Hurumende iri kushanda kuti inge ichipa marezinesi ekurima mbanje kune makambani akasarudzwa sezviri pasi pemutemo weStatutory Instrument 62 of 2018 (Dangerous Drugs Production of Cannabis for Medical and Scientific use Regulations).

“Mwedzi mishoma yadarika,makambani anodarika 200 emuno neekunze akataridza chido chekurima mbanje yekushandisa zvine chekuita nemishonga yekurapa.

“Dare reCabinet rakapasisa 37 emakambani aya ayo achazopihwa marezinesi. Parizvino tiri kumboanyoresa,” vanodaro VaHaritatos.

Vanoti makambani aya achange achipihwa marezinesi ekurima mbanje kwegore rose uye anogona kuzopihwa mamwe marezinesi zvakare.

VaHaritatos vanoti Hurumende ichatora matanho akasimba ekuona kuti hapanai zvimwe zviri kunze kwemutemo zvichange zvichizoshandiswa mbanje inenge ichirimwa iyi.

Vanoti pasi rose bhizimisi rekurima mbanje rinounza mari inokosha $24 bhiriyoni.

VaHaritatos vanoti bazi ravo richange richishanda pamwe chete nereutano nerekurerwa kwakanaka kwevana mukurimwa kwembanje iyi.

Bazi ravo, vanodaro, riri kusangana nezvimhingamipinyi mukufambisa chirongwa chekurima mbanje ichi nekuda kwemufungo wekuti kunogona kukurudzira kushandiswa kwezvinodhaka zvinosanganisira mbanje.

“Regai tipe vakotsveri ava mukana. Pane kufara kukuru kuripo nekusimukira kuchaita nyaya dzezvehupfumi uye nekubatsira vanhu kugadzira mafuta anosanganisira ekurwisa chirwere chegomarara nemimwe mishonga yekurapa,” vanodaro VaHaritatos.

Pane umboo hwakasimba hunotaridza kuti mishonga inogadzirwa kubva mumbanje inobatsira mukurapa zvakadai sekunzwa kusvotwa nekurutsa izvo zvinodyidzana nekupodza marwadzo anokonzerwa negomarara, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>