Makandiwa anodiwa muminda

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Makandiwa anodiwa muminda VaJohnson Muzarurwi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kuona kuti minda yavo ine makandiwa kana kuti madhunduru sezvo akakosha zvikuru mukubata mvura inonaya nekuiwanisa mwenzva wekufamba nayo kuti isaparadze zvirimwa pamwe nekudzivirira gukuravhu.

Mashoko aya akataurwa naVaJohnson Muzarurwi vanova nyanzvi yezvekurima (agricultural consultant) zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda mwaka uno.

“Makandiwa anodiwa paminda yedu tose sevarimi nekuti anochengetedza ivhu redu nezviwanikwa naizvo zvirimwa.

“Izvozvi tine minda yakazara mvura, zvirimwa zvakany’udzwa mushure mekunge takambenge tambosangana zvakare nezuva rakapisa zvirimwa zvedu. Saka nekuuya kwemvura yakawanda iyi taisafanirwa kurasikirwa asi kutoishandisa kuburikidza nekuisa makandiwa muminda yedu,” vanodaro.

Vanoti zvimwe zvirimwa zvakany’udzwa nekuwanda kwemvura sezvo yainoungana mukati meminda pasina kwainokwanisa kuenda nekuda kwekusavepo kwemakandiwa.

“Tine mhando dzemakandiwa dzakasiyana dzinobatsira minda yedu nekuchengetedza ivhu nezviwanikwa. Minda kana iine makandiwa mvura inotiza kana kuti kudarika muminda yedu nemumakandiwa apo inoenda kunoungana panzvimbo dzatinogadzira tumadhamu tuduku kuzasi kweminda yedu kana mukati memadhunduru umu. Zvoreva kuti tachengetedza zvirimwa zvedu uyewo tochengeta mvura,” vanodaro.

Mimwe migero yemakandiwa vanoti inoiswa nepakati peminda zvoita kuti mvura ikanaisa haiparadze minda kuita migero kana kuparadza zvirimwa.

VaMuzarurwi vanoti kune minda yakawanda ine vhu rakakukurwa nemvura ndokusara yangova makomba nemakoronga.

“Saka tinoti varimi vedu ngavashande pamwe chete nevarimisi vematunhu avanogara vachipihwa mazano ekuchengetedza ivhu ravo nezviwanikwa munguva yekunaya kwemvura yakawanda sezviri kuitika izvozvi,” vanodaro.

Vanoti zvinobatsirawo kudyara mitsara yezvirimwa yakachinjika minda kuitira kuti zvimise kumhanya kwemvura zvodzivirirawo kuguravhu zvakare.

“Makandiwa ane nzvimbo dzatinochera makomba anochengeta mvura umo munofanirwa kugara muchichekwa huswa nguva nenguva kuti mvura izowana mafambiro zvakanaka pasina kuzomhanyira muminda,” vanodaro VaMuzarurwi.

Share This:

Sponsored Links