Uncategorized

MaKirisitu akadzingirirwa nenyoka

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
MaKirisitu akadzingirirwa nenyoka Chimwala akabata shato nemuhuro

Kwayedza

Ray Bande ari kwaMUTARE
VANAMATI vechechi yeSeventh Day Adventist avo svondo rapera vaifamba imba neimba vachiparidza shoko, vakatiza neupenyu hwavo apo mumwe murume wekunzvimbo yeNyamajura, kwaMutare, akaburitsa nyoka yemhando yeshato ndokubva avadzingirira nayo achivati vabve pamusha pake.

Vachitaura nezvemashura avakaona, vanamati ava vanoti murume uyu akazvimoneredza neshato iyi, ndokuibata mutsipa apo aivatyisidzira nayo.

Murume uyu – Laudon Chimwala (63) – anozivikanwa seshasha yezvemishonga yechivanhu kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva yeNyamajura Resettlement.

Anonzi akashamisa vanamati vana vechechi yeSDA apo akaramba kuterera dzidziso yavo yezveshoko raMwari achiti anochengetedzwa nemishonga yake.

Chimwala anonzi akavaudza kuti iye anotevera chitendero cheIslam, kwete zvechiKirisitu.

Mumwe wevanamati ava, Simbarashe Matapo (17) akaudza Kwayedza kuti vakange vari munzvimbo yeNyamajura vachiparidza shoko raMwari apo vakasvika pamusha waChimwala uyo anozivikanwa nenyaya yekurapa vanhu vanenge varumwa nenyoka.

“Taiparidza pamba nemba munzvimbo yeNyamajura apo takasvika pamusha paChimwala tikazvizivisa kuti ndisu ana ani uye kuti taidei pamwe nemusoro wenyaya wataitaura nezvawo wezuva rekuzotongwa naMwari,” anodaro.

“Tisati tataura zvakawanda, Chimwala akabva ati aisada kutiona pamusha pake. Akati mharidzo yataitaura pamusoro pezvayo yainge isinei naye achiti anochengetwa nemishonga yake. Akati aizotiratidza simba rinomuchengeta uye senzira yekuzadzikisa mashoko ake, akapinda muimwe imba yake ndokubudamo nenyoka yakareba mamita matatu.”

Matapo anoti Chimwala akazvimoneredza neshato iya akaibata muhuro mayo. Anotizve nyoka iyi yakamuruma kanokwana kana, asi izvi hazvina kumbomukanganisa.

Matapo anoti apo Chimwala airumwa nenyoka iyi, aitozvitutumadza achiti yakange iri kuisa simba mumuviri wake.

“Chiitiko chaityisa. Takatiza ndokutanga kuona dhirama iri tiri chinhambwe. Kunyangwe vamwe vagari vemunzvimbo iyi vakaona chiitiko ichi vakashamiswawo nazvo zvikuru,” anodaro.

Muhurukuro naChimwala — uyo anozivikanwa munzvimbo iyi nezita remadunhurirwa rekuti Twoboy kana kuti Mafia — anoramba kuti anochengeta nyoka dzekushandisa zvine chekuita nemishonga pamusha pake.

Murume uyu anoti nyoka yaakaratidza vanamati veSDA yakange yabatwa pane mumwe musha uri pedyo mushure mekunge yauraya huku zuva rimwe chete iroro.

“Handichengete nyoka zvachose, asi ndinokwanisa kurapa munhu anenge arumwa nenyoka ipi zvayo. Munhu wose wandinorapa haafe, anopona.

“Musi weChina svondo rapera shato yandakabata yaive yadya huku pane mumwe musha uri pedyo,” anodaro.

Chimwala anoenderera mberi achiti, “Sezvineiwo, vakomana veAdventist vakange vari pamusha pangu apo ndakashevedzwa kuti ndizobata nyoka iyi. Yakandiruma kana ndisati ndakwanisa kuibata. Hongu, ndakaibata nemuhuro mayo uye yaive yakareba mamita matatu. Ndakamoneredza chidimbu chayo pamutsipa wangu,” anodaro.

Chimwala anoti haasi n’anga kana kuti munhu anoita zvemweya asi kuti anongorapa vanhu vanenge varumwa nenyoka kusanganisirawo nevane zvirwere zvepabonde.

Anoti pakutanga airapa vanhu pachena asi iye zvino ave kuda kamubhadharo.

Share This:

Sponsored Links